Mabari

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Kuzvidzidzo zveUnenamhenyu izwi rokuti mabari riri kushandiswa kufanoturikira chinonzi genes kuEnglish. Pahumwe toti bari. Shomwe yeNyere (Cell Nucleus), ine nhengo dzinonzi mabari dzinopereka mabvumbo kubva kuna Baba naAmai vemunhu. Mabari inhangande dzinotakura mashoko emabvumbo eropa rechinhu chose chinorarama. Mabari inhengo dzetsatsimuvara. Panoitika kuberekana kweNyengo (sexual reproduction), bari rechirume rinosangana nebari rechikadzi kuti pachivamba kuumbwa mwana. Mabari ndiwo anotsetsenura zvinhu zvinosanganisira: ruvara rwemaziso; mipanda yeropa; ruvara rweganda; ruvara rwevhudzi; zvichingodaro. Asi nyanzvi dzinoti hunhu hwemunhu hautongwe nemabari ari pamunhu.

Kupiwa KweZita[chinja | edit source]

Izwi rokuti mabari riri kutodzaniswa nezwi rokuti kubarika - to spark. Saka mabari inhangande dzenhakaropa (units of inheritance) dzinobarika kubva kuna baba naAmai vemunhu dzichinoumba muviri wemwana.

  • Kuparira (engender; trigger; provoke; cause or give rise to a feeling, situation or condition).

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

Mazwi eEnglish achada kuturikirwa anosanganisira: generic, genome, genomics, genetics, geneticist, genealogy.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Izwi rokuti Mabarii (kin, kindred - one's family and relations) rinotaurwa mururimi rweGiryama kureva mhuri nehama.
  • VaDigo vanoti mabaro (habits, characteristics) vachireva musambo wemunhu.