Ruambamhenyu
Ruambamhenyu (Chirungu: Biology) kana Unenamhenyu mashoko ari kushandiswa pano kureva denhe reruzivo rinodzidzisa pamusoro pezvinhu zvinorarama zvinosanganisira: mhuka; muchero; hove; shiri; tupuka zvichingodaro. Zita iri rinonongedza kuti chidzidzo ichi chinotaura pamusoro pezvinhu zvinorarama zvine hupenyu - tichiturikira kuChirungu pari kunzi "study of living things". Munhu anoshanda mubazi iri anonzi chiambamhenyu (biologist).
- Mazwi anoti zvisikwa zvinopona kana zvisikwa zvinorarama ari kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi Living Things or Living Organisms kuChirungu.
Kupiwa kweZita[chinja | edit source]
- Chivakashure ruamba chiri kushandiswa kuturikira chivakamberi -logy chinowanikwa kuChirungu mumazwi anodudza zvidzidzo zvinoti: biology, geology, physiology nezvimwe.
- Chivakamberi cheChirungu chekuti -logy chinoreva "a speaking, discourse, treatise, doctrine, theory, science".
Upangamutowo (taxonomy)[chinja | edit source]
Vambo re shoko[chinja | edit source]
Muruambamhenyu, taxonomy (kubva kuChigiriki τάξις ( taxis ) 'kuronga; kupanga', uye -νομία ( -nomia ) 'mutowo') ndiko kudzidza kwesainzi kwekutumidza mazita, kutsanangura ( kudzingisa) uye kupatsanura mapoka ezvisikwa zvipenyu zvinoenderana nehunhu hwakagovaniswa.
- Kupangura [1] (arrangement; classification)
- Hupango mu sainzi (scientific classification)
- Mutowo [2] (method)
- Upangamutowo (taxonomy - arrangement method)
Kupiwa kwe zita[chinja | edit source]
Zvichiendererana nepeji re Upangandimo, chivakamberi chekuti -nomy mu Chingezi, chivakashure chinonzi Upanga muChishona.
- Chivakashure nomos chaturikirwa kupanga (to make a law, command, order, arrange, organise, align, to devise).
- Agronomist rinenge roturikirwa kunzi chipangandimo.
Mazwi eBantu[chinja | edit source]
- VaChewa vanoti muyambo (traditional stories and teachings, customs of a people).
- VaVenda vanoti luambo (n. language) kureva mutauro. Mamwe mazwi: amba (v. talk).
- VaVenda vanoti tshilo (n. life) kureva hupenyu.
- BaKalanga vanoti buchilo (life) vachireva hupenyu.
Zvitaridzwa[chinja | edit source]
Mabviro eruzivo[chinja | edit source]
- ↑ Vashona, 30 Gunyana 2019, "distribute" Yakatariswa: 27 Nyamavhuvhu 2021
- ↑ Vashona, 30 Chikunguru 2015"method" Yakatariswa: 17 Nyamavhuvhu 2021