Ubare

Kubva Wikipedia
chiratidzo chemunhukadzi ne munhurume

Ubare (kana kuChingezi: gender) kana chibare izwi iri hariko kuShona yamazuvaose. Ubare zvinodudza boka rezvinhu zvine hukama hwechiumbiko chimwe, sokuti vanhu vangapatsanurwa kuita mipanda inoti ubarerume neubarekadzi. Vamwe vanogona kuda kurerutsa kungoti mupanda wepakuzvarwa kana chipandarudzi.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tarisai mazwi anotevera muone kufanana kuripo pakuumbwa kwawo.

  • Kuparira (engender; trigger; provoke; cause or give rise to a feeling, situation or condition).
  • Mbari (genus).
  • Mbarikwa (generic).
  • Mabari (genes).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa neVaWabo vanoti m'bale kana mbale (brother or sister - said of same sex sibling). Mang'anja vanoti chibale (brotherhood) kureva hukama hwevakoma nevanin'ina.
  • VaSena vanoti ubale (brotherhood). VaNyungwe vanoti ubale (family) kureva mhuri.
  • VaWabo vanoti m'bali kana abali (same-sex sibling) kureva mwananyina wechirume kumurume kana wechikadzi kumukadzi.
  • MaZulu vanoti ubulili (n. Sex, sex gender). Mamwe mazwi: ubulili besifazane (feminine gender kana ubulili besilisa (masculine gender).
  • VaGiryama vanoti mbari (kindred, kin, family - used for less close relatives) vachireva rudzi kana dzinza. VaNgala vanoti mibale (two).