Svetuka kuchirochemo

Bari

Kubva Wikipedia

Bari (kureva gene muChingezi) pauwandu anonzi mabari, remuchidzidzo cheruambamhenyu inhengo inowanikwa mushomwe ye nyere (muChingezi cell nucleus), inopereka mabvumbo kubva kuna Baba na Amai vemunhu. Mabari inhangande dzinotakura mashoko emabvumbo eropa rechinhu chose chinorarama, uye inhengo dzeungaruvara. Panoitika Ruberekano rwe nyengo (kureva sexual reproduction), bari rechirume rinosangana nebari rechikadzi kuti pachivamba kuumbwa mwana. bari ndiwo anotsetsenura zvinhu zvinosanganisira ruvara rwe mazisozi, mipanda ye ropa, ropa, ruvara rwe gandaanruvara rwe vhudziudzi; zvichingodaro. Asi nyanzvi dzinoti hunhu hwemunhu hauneyi nemabari ari pamunhu.

Kupiwa kwe Zita

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti mabari riri kutodzaniswa nezkubarika- to spark. Saka mabari inhangande dzenhakaropa (units of inheritance) dzinobarika kubva ku aa baba naAmai vemunhu dzichinoumba muviri wemwana.

  • Kuparira (engender; trigger; provoke; cause or give rise to a feeling, situation or condition).

Mazwi eEnglish achada kuturikirwa anosanganisira: generic, genome, genomics, genetics, geneticist, genealogy.

Mitauro yeAfrika

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Giryama inoti Mabarii (kin, kindred - one's family & relations) kureva mhuri nehama.
  • VaDigo vanoti mabaro (habits, characteristics) vachireva musambo wemunhu.
  • VaMambwe vanoti cisilano (heredity, an inherited quality - good or bad) kureva chisiyirano.
  • Lozi inoti -yambula (to inherit the character of one's parents) kureva kugashira chiviri chevabereki.
  • Fwe inoti rubare kana m-bare (n. a single seed, pip) kureva mhodzi imwe.