Ruambavabari

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuUnenavabari)

Izwi rokuti ruambavabari ari kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi genealogy kuEnglish. Ruambavabari chidzidzo pamusoro penhoroondo dzemadzinza, chinoronda mizera yemhuri idzi nenhoroondo yemhuri. Ana chinenavabari vanoshandisa hurukuro dzekubvunzurudza, zvinyorwa zvenhoroondo, wongororo yeropa, nemamwewo magwaro kutsvaga ruzivo pamusoro pemhuri uye kutaridza hukama hwenhengo dzemhuri. Zviwanikwa zvacho zvinotarwa mumachati kana kunyorwa serondedzero.

Pakutsvaga nhoroondo yemhuri dzavo nekwakabva vanhu vanosundwa nezvinhu zvakatsaukana zvinosanganisira: shungu dzekuda kuziva kuti ivo vari pachinzvimbo chipi muchamumbwa chemhuri; uye moyo wekuda kuchengetedza mugachidzanwa wevakare kuti vagachidzewo vana vavo; uye rudado rwekukwanisa kutaura nyaya yemhuri yavo zvakanatsa kuperera.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa vanoti muyambo (traditional stories and teachings, customs of a people).
  • VaVenda vanoti luambo (n. language) kureva mutauro. Mamwe mazwi: amba (v. talk).