Chironda

From Wikipedia
(Redirected from Kunyenga (ronda))
Jump to navigation Jump to search

Chironda kana ronda (wound, injury) zvinoreva panhu pakakuvara pamuviri wemunhu kana mhuka, zvikurusei pakavhurika ganda kana pakabuda ropa.

  • Dunda, dundwirwa(bruise) zvichireva ronda rekukuzvuka ganda.
  • Kudunduvira (to form blood blister) zvichireva kuungana kweropa panyama yakuvara zvekudzvanyidzirwa. Ropa rakadunduvira pamunwe wanga wadzvanyiwa nedanda. Mhando yechironda ichi inonzi nhuwira, mbundurira kana mbundishira kana mbundishire
  • Kunyeka, kunyenga (of a sore - to spread or get worse) zvinoreva kuti chironda chinenge chawedzera kushata, kungava kukura, kuita hurwa kana kuwora.

Muzvere achigere kuvhakacha nokuti ronda rake harisati rapora kubva zvaakasungunuka.

  • Kutova (to poultice, to apply wet heat by a compress) zvinoreva kushandisa jira rakanyiwa mumvura inotonhora uchidzvanya naro pane ronda, zvikurusei pakazvimba.
  • Kuteta (to be nervous, to shrink from) zvinoreva kuzeza chinhu chingava chinorwadza kuita kana chausinganzwe kwazvo pachinoitwa.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaNyungwe vanoti cironda kana bzironda (wound, injury) kureva chironda.
  • VaBemba vanoti cilonda (sore, wound, injury) kureva chironda.
  • VaGiryama vanoti ranga (wound).
  • Izwi rokuti kukuvala (stub oneself especially toe) rinotaurwa mururimi rwe[[Maconde|Makonde].
  • VaChewa vanoti utete (flinching, a shrinking from pain).