Chironda

Kubva Wikipedia

Chironda kana ronda (wound, injury) zvinoreva panhu pakakuvara pamuviri wemunhu kana mhuka, zvikurusei pakavhurika ganda kana pakabuda ropa.

  • Dunda, dundwirwa (bruise) zvichireva ronda rekukuzvuka ganda.
  • Kudunduvira (to form blood blister) zvichireva kuungana kweropa panyama yakuvara zvekudzvanyidzirwa. Ropa rakadunduvira pamunwe wanga wadzvanyiwa nedanda. Mhando yechironda ichi inonzi nhuwira, mbundurira kana mbundishira kana mbundishire
  • Kunyeka, kunyenga (of a sore - to spread or get worse) zvinoreva kuti chironda chinenge chawedzera kushata, kungava kukura, kuita hurwa kana kuwora.
  • Muzvere achigere kuvhakacha nokuti ronda rake harisati rapora kubva zvaakasungunuka.
  • Kutova (to poultice, to apply wet heat by a compress) zvinoreva kushandisa jira rakanyiwa mumvura inotonhora uchidzvanya naro pane ronda, zvikurusei pakazvimba.
  • Kuteta (to be nervous, to shrink from) zvinoreva kuzeza chinhu chingava chinorwadza kuita kana chausinganzwe kwazvo pachinoitwa.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti cironda kana bzironda (wound, injury) kureva chironda. VaBemba vanoti cilonda (sore, wound, injury) kureva chironda.
  • VaGiryama vanoti ranga (wound). VaChewa vanoti utete (flinching, a shrinking from pain) kureva kuteta. VaVenda vanoti ntho kureva ronda.
  • Maconde inoti chilonda kana vilonda (n. wound, sore) vachireva chironda. Mamwe mazwi: kukuvala (stub oneself especially toe) kureva kukuvara.
  • VaZigula vanoti nkhwenje kana hwenje (n. wound; sore) vachireva chironda. Mamwe mazwi: Nkhwenje yangu yakhwina (My wound is throbbing).
  • Xitsonga inoti mbanga (n. wound) vachireva chironda.