Mburungwa

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuUrungano)

Mburungwa (kureva Sphere) muchidzidzo chePimanyika, izwi rinoreva chiumbwa chakaurungana kuita bhora. Vamwe vatauri vanoti: chinhenderekwa, chiurungwe; mhumburu kana kuti urungano. chiso cheurungano chine nhambwe dzakaenzana kubva pamunzi (centre) wemburumbwa; nhambwe iyi inodanwa kunzi taramunyongo, (radius).

Zvinhu zvine kuumbwa kwemburumbwa zvinosanganisira: bhora, mazhanje nemimwe michero uye Rinopasi ratigere.

Mburungwa-gama ndiyo inonzi hemisphere kuEnglish.

Kabhora kadiki kakapfava kanonzi mbungo - muenzaniso tennis ball.

Burumbwa, bumburu, burungwa zvinoreva zibhora ziguru rechinhu chero chipi zvacho.

Mashoko ri kuEnglish ane chekuita nemburungwa anofanirwa kuturikirwa anosanganisira: circuit, orbit, cycle, ellipse.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kirundi inoti imburungu (round thing, circle) kureva mburungwa. Nyanja inoti obulungika (circular; being round) kureva chakaurungana kana chedenderedzwa.
  • Nyanja inoti bulu kana chibulu (round). VaChewa vanoti bulunga kana ulunga (to make round - in reference to sadza).
  • Chewa vanoti kubulunga (to make a round form; to describe a circle). VaSwahili vanoti burunga (make balls of earth or clay).
  • VaNyakyusa, MaZulu neVaBemba vanoti bulungana (Become globular shaped, form into a ball; become round) kureva kuurungana.
  • MaZulu vanoti imbulunga (Globe, sphere, anything spherical such as ball, bead, cannon-ball - not a disk) kureva burumbwa.