Ruambandanga

Kubva Wikipedia

Ruambandanga (Chirungu: Psychology) kana Unenandanga mashoko ari kushandiswa kuturikira chinonzi hufundo hwezvendanga. Ruambandanga chidzidzo chitarira zvepfungwa uye maitiro evanhu. Chidzidzo ichi chinotsvaka kunzwisisa munhu ari ega, munhu pakati pevamwe uye mapoka evanhu chichishandisa zvirevo zvakatarwa uye mhaka dzakadudzika. Ana chinenandanga vanoedza kunzwisisa mashandiro emurangariro wemunhu uye maitiro ake pakati penzanga yevanhu. Panguva imwe vanenge vachiedza kubatanidza zviri kuitika mumuviri uye tsandura dzeruambamhenyu dzinobata mashandisirwo eruzivo nemaitiro emunhu.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa vanoti muyambo (traditional stories and teachings, customs of a people).
  • VaVenda vanoti luambo (n. language) kureva mutauro. Mamwe mazwi: amba (v. talk).