Mushwaira (ropa)

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMishwaira (ropa))

Muchidzidzo chezvipenyu mushwaira (Capillary blood vessel) zvinoreva mhando yetsinga ndikisa dzinobatsira mukutsinhana kana kugachidzana kwezvinhu zvinowanikwa mumuviri zvinoti: oxygen, carbon dioxide, mvura, chikafu, nemishonga inoraswa pakati peropa nenhengo dzemuviri. Mishwaira inobatanidza tsinga hombe dzinotakura ropa kubva kumoyo kuenda kunhengo dzomuviri netsinga ndiki chinodzosera ropa kumoyo.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti mushwaira rinoreva kanzira kadiki kasina kunatsa kupfumbira; aka kanenge kari kanzira kanonetsa kuona pakari chaipo. Apa ndipo pabva paturikirwa kuti shoko rinoti mushwaira rive ndiro rinoreva zvimwe nereEnglish rokuti capillary. Iri zita rinoduza zvakanakisa kuti capillary tutsinga tudokosa zvichifanidzwa nedzimwe tsinga dzinoonekwa pamuviri wemhuka kana munhu. Pakuwanda mushwaira inodanwa kunzi mishwaira.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]