Misandu yeSebhe

From Wikipedia
(Redirected from Misandu)
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo fundoyetsimba, Misandu yesebhe (States of Matter) izita rapiwa kududza chimiro chezvinhu zvinobatika nekuonekwa nekunzwikwa pakunge zvasvitswa panharaunda yakasiyana hujoto kana mutsindo (temperature and pressure). Kune misandu mitatu yemvura zvichienderana nehujoto hwemvura yacho.

Godo (solid) - iri izwi rapiwa kutsangudza chinhu chakaumbana chisingayerere chingafananidzwa nedombo kana simbi. Takatarisana nemvura tinoona inoita magodo emazaya echando (ice) kana mvura yatondodzwa zviri pasi pe 0o Celsius. Magodo haayerere uye anochengeta kuumbwa kwaakaitwa, pasina kutsindirika kwakanyanya kungaitwa.

Mutuvi (Liquid) - iri zita rapiwa kududza chinhu chine kutaridzika kunenge kwemvura inoyerera. Chinhu chine musandu weMutuvi chinoyerera uye chakadirwa mugapu, chinotora kuumbwa kwakaita gapu iroro zvichienderana nehuwandu wemutuvi wacho. Muenzaniso wemituvi inosanganisira mvura, mukaka, huchi, peturu, zvichingodaro. Iri zita rapiwa richitoredzera mutuvi unova mvura iya yemukaka.

Gasi (Gas) - iri zita rapiwa kuzvinhu zvinenga mweya watinofema, zvisingabatike, asi zvichigona kunzwika kuti zviripo. Gasi rinotambanuka kuzadza nzvimbo kana rongo raunenge waiswa, zvakare unogona kutsindirwa kana mutsindo wawedzerwa. Mienzaniso yegasi inosanganidza oxygen, carbon dioxide, hydrogen, hydrogen sulphide zvichingodaro