Svetuka kuchirochemo

Gudo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMboi)

Gudo (baboon in English) imhuka yemusango yakafanana netsoko. Makudo ane mumhu unosiyana zvichienderana nerudzi rwegudo racho. makudo ari kuGuinea akareba 50cm uye ane huremu hunoita 14kg; makudo ari kuno kuChamhembe kweAfrica akareba 120cm uye ane huremu hunoita 40kg.

Zvinoita sekunge gudo rakabata pfungwa dzevanhu kunyanya nemaitiro aro kana kuti maramiro aro. MuChiShona gudo rine mazita akawanda. Mamwe mazita ndiwo anoti: bveni; diro; mutiro dede. Pahuwandu anonzi matede, makudo kana mapfeni.

  • Gudo guru peta muskwe vapwere vagokuremekedza.
  • Chinokura chinokotama musoro wegudo chave chinokoro
  • Charovedzera charovedzera gudo rakakwaira mawere kwasvipa.
  • Jerandoga zvinoreva mukono wegudo unogara woga. Izwi iri rinoshandiswawo kutaura handira kana dzimwewo mhuka dzinogara dzoga. Vamwe vanoti mhuka inodya yoga inonzi mberera - iyi ingava mhuka yerudzi chero.
  • Kuziva kune mombo ndokuna ani haidyi ichinyima mboyi.The male baboon shows unprecedented generosity; he does not eat anything without sharing with his female.
  • Chiro chiregwa, mutiro achirega nzambara. Everything has to be left as the babooon gave up nzambara fruit. (wild grapes)
  • Gudo harivingirwi pachiro. A baboon is never pursued up to his sleeping place.
  • Bveni kuipa zvaro, haridyi chakafa choga.
  • Gudo kutya zvaro asi haribatirwi mwana.
  • Gudo rakapona namanainai. A baboon escaped by dodging from place to place.

Muimbi Oliver Mtukudzi wakaimba, Gudo munorivengerei, gudo haridye husiku? Nhunzi wawapumha ndiye anopa zvirwere.

Mazita emhuri nenzvimbo

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune mazita emhuri ane chitsama ane chekuita negudo. Mamwe ndiwo anoti: Nyamapfeni, Dirorimwe, Jerandoga, Chiro, Mutiro, zvichingodaro (zvd).

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]