Concession, Zimbabwe

From Wikipedia
(Redirected from Concession)
Jump to navigation Jump to search

Concession musha uri muDunhu reMazowe kuMashonaland Central. Concession inowanikwa makiromita 50 kubva muguta reHarare. Musha weConcession unozivikanwa kunyanya nematura eGMB anoonekwa panzira inobva kuMazowe. Mibato iri mumusha uyu inosanganisira: kurima, migodhi yendarama, Concession Transport neConcession Hospital. Consession inotongwa neMazowe Rural Council.

Mana emuConcession[chinja | edit source]

Mana anogara vanhu muConcession anosanganisira: Amandas, Dandamera, kumaTangwena, Concession Mine?, Riverside neRailways.

Dzidzo[chinja | edit source]

Zvikoro zviri muConcession ndezvinoti: Amandas Primary School, Dandamera Primary School, Kundayi Secondary School], Barwick School neBlackforby College.

Nzvimbo Dzakakomberedza[chinja | edit source]

Misha iri pedyo neConcession inosanganisira: Mazowe, Glendale, Chiweshe uye Mutorashanga.