Musoro

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Cheetah4.jpg

Musoro kana soro (head) inhengo pamhuka yakatakura dzimwe nhengo dzinoti, mhuno, mazino, maziso nenzeve. Nhengo idzi ndidzo dzine hunzwi hunosanganisira kunhuhwidza, kuona, kunzwa. Shure kwemusoro kuri nechamusoro pemutsipa kunodanwa kunzi gotsi. Mberi kwemusoro kuri nechepamusoro pemaziso kunodanwa kunzi huma.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Bandamba, bangure, dzoro, mudzoro zvinotaura musoro muhombe.
  • Nzumura (big head - of person or animal) zvichireva dzoro kana musoro muhombe. Ane nzumura yomusoro.
  • Chimusoro kana gundumure zvinoreva munhu ane musoro muhombe.
  • Mhanza kana huma (forehead) kureva nzvimbo iri mberi kwemusoro kubva pane tsiye kusvika panotangira vhudzi.
  • Munhu asina vhudzi panzvimbo inofanirwa kumera vhudzi mumusoro anonzi ane mhanza kana baro. Vamwe vanoti mukunguru.
  • Kushunama kana kusunama (stand on head).
  • Chikope (overhanging forehead) guma.
  • Mbambanda kana kakazhi (Ideophone of being obstinate).

Tsumo[chinja | edit source]

  • Manenji kuona mukadzi ane mhanza. It is astounding to see a woman with a bald head.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaDigo vanoti chitswa (head) vachireva musoro.
  • Izwi rokuti mutwe kana myutwe (head) rinotaurwa mururimi rweMaconde kureva musoro.
  • VaTumbuka neVaChewa vanoti mutu (head) vachireva musoro.
  • Izwi rokuti umutwe (head) rinotaurwa mururimi rweKinyarwanda kureva musoro.
  • Izwi rokuti ubutware (chieftainship, authority, inheritance) rinotaurwa mururimi rweKinyarwanda.
  • Izwi rokuti umutware (chief, authority, heir) rinotaurwa mururimi rweKinyarwanda.