Karenda ye Chivanhu
Peji rino richiri kuverengwa, kugadziriswa ne kuiswa majhonari ezvidzidzo.
Karenda ye Chivanhu kana Karenda ye Chishona ndiyo Karenda yaishandiswa (uye inogona kuzoshandiswa) nevanhu vechiShona. Karenda iyi inogona kunge ichirikushandiswa kumamisha, kunyanya kune vaye vanoremekedza tsika dzedu dze Chivanhu.
Hukoloni: Ukristu ne Uyisalama[chinja | edit source]
Karenda ye Chivanhu yakabviswa pakaunzwa Karenda ya Gregori ne Vazungu. Karenda iyi ndiyo inoshandiswa pasirose kunyika zhinji dzaive muhukoloni hwe Vangezi. Dzimwe nyika adzemuAfurika dzinoshandisa Karenda ye Hijiri, kureva Karenda ye Uyisalama inotodza mwedzi futi, zvakadaro nokuda kwokuti waive pasi peukoloni hwe Vaarabhu kwete Vangezi.
Makarenda anowanzo enderana ne Chinamato kana Chidaviro chevanhu vanoishandisa saka pakakolonwa nyika vanhu vaidzidziswa chinamato nemaitiro evakoloni vavo uye vakapuhwa Chinamato ne karenda dzevakoloni richienderana ne mahoridhe avo, enz. Kisimusi. Izvi zvinoreva kuti dai isu takakolonwa ne Vaarabhu senge vamwe vedu vekuTanzania ne Kenya dai tichinamata wo Allah uye tichishandisa Karenda ye Hijiri.
Karenda: Yekare na Nhasi[chinja | edit source]
Mwedzi Yekare | Mwedzi Yanhasi | ||
---|---|---|---|
Zvita | 1 | Ndira | |
Ndira | 2 | Kukadzi | |
Kukadzi | 3 | Kurume | |
Kurume | 4 | Kubvumbi | |
Kubvumbi | 5 | Chivabvu/Bandwe | |
Bandwe | 6 | Mwedzi uyu waishandiswa gore rechitatu bedzi. | Chikumi |
Chivabvu | 7 | Chikunguru | |
Chikumi | 8 | Nyamavhuvhu | |
Chikunguru | 9 | Gunyana | |
Nyamavhuvhu | 10 | Gumiguru | |
Gunyana | 11 | Mbudzi | |
Gumiguru | 12 | Zvita | |
Mbudzi | 13 |
Gore re Chivanhu raive ne mwedzi 12 makore maviri uye mwedzi 13 gore rechitatu, richipera muna Mbudzi (october/november) zvichienderana nenzvimbo ye mwedzi. Muenzaniso, gore rino Goredzva reChivanhu rinenge riri pamusi wa 30 Mbudzi (23 November 2022).
Mwedzi Yegore yainge ine mazuva 29 kana 30 zvichienderana musi uno buda mwedzi mutsva pamwedzi.
Mavhiki: Ekare na Nhasi[chinja | edit source]
Misi Yekare | Misi Yanhasi | |
---|---|---|
Muvhuro | Musi wekutanga | Svondo |
Chipiri | Musi wechipiri | Muvhuro |
Chitatu | Musi wechitatu | Chipiri |
China | Musi wechina | Chitatu |
Chishanu | Musi wechishanu | China |
Mugovera; Chitanhatu | Musiwechitanhatu | Chishanu |
Chisi | Musi we Chishanu | Mugovera |
Muvhuro: Sondo[chinja | edit source]
Vhiki re Chivanhu raitanga musi wa Muvhuro, zita rayo rinogona kunge rakabva pashoko rokuti kuvhura nokuda kwekuti ndiwo musi wai vhura vhiki. Pakuuya kwe Vazungu vachifundisa Vanhu hunhu hwavo ne tsika dzavo vachiti tisiye zvataiita ndipo pavakatiwedzera musi we Svondo se sunday. Iro shoko rekuti Svondo kana Sondo rakabva kuChibhunu nekuda kweVanguni, pachedu tairishandisa kureva vhiki, ndikosaka vamwe vanhu vachiti "sondo/svondo rakapera" vachireva "last week". Nekuda kweizvi, musi wokupedzisira ndiMugovera kana kuti Chitanhatu, zvinodai kunyangwe musi uchifanhira kuteerwa nemumwe.
Chipiri[chinja | edit source]
Musi we Chipiri ndiwo waiteera muvhuro, wakadanwa kutodza numeri ye chipiri nokuti inoteera motsi. Chipiri ndiwo musi wechipiri pakurava misi yekushanda.
Chitatu[chinja | edit source]
Musi we Chitatu unoteera Chipiri, wakanganwa kutodza numeri tatu ngekuti ndivo musi wechitatu uchiverenga mazuva ekushanda.
China[chinja | edit source]
Musi we China unoteera Chitatu, wakadanwa kutodza numeri ina ngekuti ndivo musi wechi-ina uchirava misi yekushanda.
Chishanu[chinja | edit source]
Musi we Chishanu unoteera China, wakadanwa wo kutodza numeri shanu ngekuti ndivo musi wechishanu pakurava misi yekushanda.
Mugovera: Chitanhatu[chinja | edit source]
Rakadanwa nokuti ndiro zuva raigoverwa vanhu mari kana zvibhadharo zvavo pamusoro pebasa ravainge vaita, vachirongeza musi we Chisi nokuti vanhu vaisabvumidzwa kushand musi weChisi pamutemo. Musi uyu ndiwo waive wekupedzisira pamisi yekushanda.
Chisi[chinja | edit source]
Chisi kana Chisingarimwi, ndiwo usi we chinomwe uye wekupedza vhiki mutsika ye Chivanhu, uyu ndiwo zve musiwokuzorora muchitendero chechikaranga chedu.
Mamwe mazita ayo:[chinja | edit source]
- Karenda ye Umwedzi
- Karenda ye Chiwanhu
- Karenda ye Chivandu