Allah

Kubva Wikipedia
Zita ra Allah muChiarabhu

Allah (Chiarabhu: الله, muchirhoma: Allāh) ishoko rinjee reChiarabhu renoshandiswa kureva Mwari. MuChingezi, shoko iri rinowanzo dudzirwa Mwari muUyisalama. Ishoko rinofungidzirwa kunzi rakavambwa kubva pakupfupiswa pemazwi okuti al-ilāh, kureva "mwari", uye rinehukama paururumi ne mashoko eChiaramu okuti Elah ne eChisiriya ܐܲܠܵܗܵܐ (ʼAlāhā) uye eChihebheru okuti El (Elohim) kureva Mwari. Mhando yekuti Allah yechikadzi inofungidzirwa kuve shoko rokuti Allat.

Shoko rokuti Allah rakagara richishandiswa ne Vaarabhu vanonamta zvinamato zvakasiyana kubva munguva ye mushure meUyisalama. Maarabhu ekushure kwe Uyisalama ainamata munamatwi mukurukuru avaiti Allah, uye pamwe ne vamwe vanamatwi vaive vadoko musimba. Muhammad akashandisa shoko rokuti Allah kukombisa zanodzamu rokuti Mwari. Allah akagara achishandiswa seneno rokuti Mwari ne Vasalama (vose vechiArabhu ne vasiri) uye kunyangwe ne Vakristu vechiArabhu kunyangwe muketevera meneno rokuti "al-ilāh" na "Allah" watanga kushandiswa zvinopesanisana muChiarabhu Chekare ne uzhinji hwe Vaarabhu vainge vave Vasalama. Rinoshandiswa wo kahobho, ne Vabhabhi, Vabhaha'i, Vamandaa, Vaindonesi uye Vakristu vekuMaruta, pamwe ne Vajudha vechiSefaradhi, pamwe ne Vagagauzi. Kushandiswa kumwechete neVakristu uye Vasikhi vekuMalayizha yeMadokero kwakapedzisira kwakonzera migogo yehutonganyika uye mronzo.

Mamwe mashoko:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]