Gorokodzwa

Kubva Wikipedia

Pachinyorwa chino shoko rokuti gorokodzwa (theory in English) ringatsanangurwa sezvizvi:

  • Bumbiro remashoko rinotsanangura mhando yechiitiko chakacherechedzwa nokuwongororwa nenyanzvi mubazi iroro rehunyanzvi.
  • Bumbiro iri rinopa tsananguro richitsigirwa nemutemo pamwe nezvisumamunyati zvakanyorwa zvakapirwa kuruzhinji rwenyanzvi.
  • Gorokodzwa rinobatanidza zvinhu zvakaonekwa panhambo dzakawanda mukucherechedza mhando yechiitiko. Kugamuchirwa kwaro kunozouya ramboedzwa pakawanda nehumbowo hutsva uye richigona kuona nokutaura zvinotarisirwa kuitika kana mhando yechiitiko ichi chaonekwa zvakare pane imwe nzvimbo, kana imwe nguva.
  • Bumbiro iri rinopawo mashoko anodudza maitiro akashandiswa kuwongorora nokucherechedza mhando yechiitiko ichi.
  • Gorokodzwa rinopa tsananguro dzinobata zvinodarika zvingatsanangurwa nemutemo pamwe nechisumamunyati. Nokudaro kugamuchirwa kwegorokodzwa kuri mberi pane mitemo kana chisumamunyati.
  • Mune dzimwe nguva gorokodzwa rinogumisidza rogamuchirwa zvakanyanya, ratekeshera zvokuti rinopedzirira risisadanwe nezita iri - apa rinenge rave garoziva.

Gorokodzwa rinozivikanwa zvikuru ndiro Gorokodzwa reGunganidzo raNewton rinotura pamusoro pechiitiko chegunganidzo yemitumbi iri pamukaha wechadenga. KuEnglish kunonzi Newton's Theory of Gravitation kana kuti Newton's Law of Gravitation. Gorokodzwa iri rakaparurwa naIsaac Newton mugore ra1687.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukutaura kwemazuva ose, mashoko anotevera aya ane chekuita neruzivo uye nyanzvi

  • Gorokodzwa (Decision. Result of discussion or examination) rinoreva chitsungo chakaitwa mushure mehurukuro uye wongororo yakaitwa nenyanzvi.
  • Gorokodzi, magorokodzi kana gorokotera (1. Expert; 2. Knowledgeable person; 3. Person of vast knowledge) apa kureva chikwapuro kana nyanzvi - pano richiturikira theorist.
  • Kugorokodza (to know thoroughly) apa kureva hunyanzvi hwekuziva zvakaperera pamusoro penhau iri kutaurwa nezvayo.
  • Horokodzwa (1. Detailed information, 2. Exhaustive account) apa kureva hudonongodzwa hwenhau iri kutaurwa.

Saka zita rapiwa rokuti gorokodzwa richiturikira theory rinotodzana nemazwi ari pamusoro aya. Mune zvimwe zvinyorwa vanyori vanongoturikira vachiti thiyori.

Chinyorwa chino chichada kunhadziridzwa kuti chitaure nemazvo zviri kurehwa nemashoko

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]