Cherechedza

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kucherechedza kana kunanganidza (Observe in English) rinoreva chiitiko chokunge munhu kana mhuka iri kutapa ruzivo kubva kune zvakakomberedza. Ruzivo urwu runotapwa kuburikidza nehunzwi huri pavanhu nemhuka hunosanganisira: kuteerera nenzeve, kuona nemaziso, kunhuhwidza nemhuno, kuraidza nerurimi, kunzwa kupisa nekutonhora, kunzwa kuti pane chandibata kana kugunzva, zvichingodaro.

Takatarisana nezvidzidzo zveScience, kucherechedza kunoreva kuunganidza humbowo pamusoro pechinhu chiri kutariswa chiri kudzidzwa nezvacho.

Muenzaniso[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kana munhu achinge abuda panze muna June akanzwa kutonhorwa zvoreva kuti acherechedza kuti kuri kutonhora.
  • Munhu akanzwa kunhuwa kwesadza riri kushinyira zvorevawo kuti acherechedza kuti kune sadza riri kubikwa rave kushinyira.
  • Kana mwana akatswinyiwa nomumwe akanzwa kuradza kwazvo kureva kuti mwana atswinyiwa acherechedza marwadzo acho.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaMambwe vanoti -celecesya (to observe attentively; to wait and observe) vachireva kucherechedza.
  • VaMambwe vanoti -celecensya (to look around to observe what is happening) vachireva kucherechedza.