Chitsvigiri

Kubva Wikipedia

Chitsvigiri kana Vutsvigiri (kureva diabetes mellitus) chishuga, kana chirwere cheshuga, izita rechirwere cherunguvarefu, kureva kuti chinotora nguva chichiitika mumwiri uye ndechevupenyu hwose, chinozivikanwa nechikonzero chekuwanda kwetsvigiri kana rutapiri (girikosi) muropa. Mwiri wedu une nhengo inonzi rwatata yakagadzikwa mudumburira kuseri kwedumbu ichishanda seshwanu (glandi). Rwatata rinoshandiswa nemwiri kugadzira chidenhi chinonzi inzurini chinoshandiswa kudzoredzera mawandiro erutapiri (girikosi) muropa. Inzurini ikatadza kuita basa rayo zvakanaka kana ikakanganiswa zvinokonzera kuwanda kwerutapiri (girikosi) muropa, izvi ndizvo zvinokonzera kuva nechitsvigiri kwemunhu.[1]

Masimputomu e chitsvigiri:

Rutapiri (girikosi) runoshandiswa nemwiri kuwana ito (eneji) yekushandisa, uye inowanikwa kubva muchikafu chatinodya chine makavaryidhlati (makabhorihayidhiretsi) (senge mbatatisi, sadza, chingwa, mupunga, mukaka, pasita kana michero). Mushure mekuvotesa chikafu, rutapiri rwunobudiswa uye rwonwirirwa muruboteraropa, rwunofanhira kubva muropa kuenda mumatishuu kuti mwiri uyishandisire ito. Rutapiri rwakawandisa unogona kuchengetedzwa muchitaka kana kushandurwa kuitwa mafuta uye kuchengetedzwa mumamwe matishuu emwiri.[1]

Inzurini inoshandiswa kuzarura dimba rerutapiri kuti ibvumire kufamba kwe rutapiri kubva muropa kuenda munyere dzemwiri. Inoita futi kuti rutapiri rwuchengetedzwe mutsandanyama, chitaka uye mamwe matishuu, nenzira inonzi vumetaboliki werutapiri.[1]

Pane mhando dzitatu dze chitsvigiri:[1]

  • Mhando ye chimotsi, inonzi Mhando Yekutanga ye Chitsvigiri (kana M1C, kuchingezi inonzi T1D) kana kuti Chitsvigiri Chimotsi (kana C1). C1 ndiyo mhando inogona kuzvarwa nayo asi inogona kuitika muchero zera revanhu, vanhu vane mhando iyi rwatata rwavo hawugadziri inzurini, saka vanodinga inzurini yekupuhwa kuti vakwanise kuchengetedza mashandiro emwiri.
  • Mhando ye chipiri inonzi Mhando ye Chitsvigiri ye Chipiri (kana MC2 kuchingezi ichinzi T2D) kana kuti Chitsvigiri Chipiri (kana C2). C2 ndiyo inobatika nekuda kwekurarama vupenyu vusina kunaka, senge kudya zvikafu zvisina kunaka kana kusabishamwiri asi pane zvimwe zvikonzero kunze kweizvi. Vamwe vanhu rwatata yavo hayigadziri inzurini yakakwana kuti iite basa mumwiri, kana kuti vamwe vanhu nyere dzavo hadzipinduriri kubudiswa kweinzurini, uku kunonzi gwesa-inzurini.
  • Mhando yechitatu ndeye madzimai ane mimba vanowana kuti huwandu hwe tsvigiri muropa mavo unogona kukwira kunyangwe vainge vasina nhoroondo yazvo muvupenyu hwavo.

Kudzivirira ne kurapa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kuti munhu uzvidzivirire kubva pakuva nechitsvigiri, zvakanaka kudya chikafu chakachena uye chine hutano, kubishamwiri, uye kudzoredzera uremu hwako semunhu, pamusoro pezvo usaite zvekuputa kana kunwa doro. Kunyanya kana uri munhu ane nhoroondo ye chitsvigiri mumhuri yako.

Vanhu vane chitsvigiri dzoredzerai gakamizo ye ngazi (gakamizo kubva kuChichewa pakuti kakamizo) uye kuchengetedza tsoka dzavo nekudziringa kuona hutano hwadzo. Shangu dzevanhu vane chitsvigiri dziriko dzinobetsera kuchengetedza tsoka.

Pavanhu vane mhando yekutanga jekiseni ye inzurini inoshandiswa kudzora ne kuchengetedza mwiri nekuti mwiri hawugadziri inzurini yayo pachayo. Vaye vane mhando ye chipiri, kudya zvine hutano uye inzurini zvinobetsera kudzoredzera uwandu hwe tsvigiri muropa zve, zvokupedzisira, vakadzi vanowana vaine chitsvigiri nekuda kwemimba vanowana kuti mushure mekuzvara mwana uye nokudzora uremu hwe uremu hwavo chitsvigiri chacho chinoenda.

Ringai zve:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 Betterhealth, (n/a), Diabetes. Yakaringwa 19 Nyamavhuvhu 2023.