Svetuka kuchirochemo

Ubishamwiri

Kubva Wikipedia

Ubishamwiri (kureva exercise kuChingezi) kuturikira chiito chekubisha kana kushandisa mwiri nedonzvo rokuusimbisa uye kuchengetedza hutano hwe unyama zvose nepfungwa. Kubishamwiri kunobatsira nezvekudzoredzera netsakano, kubvisa uremu uye kuuchengetedza, kukurisa nekusimbisa tsandanyama, uye kunobatsira mutandira wemhumba nekunatsiridza kugona mitambo. Vamwe vanoita zveubishamwiri sezvomufaro.

Mhando dzeubishamwiri[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ubishamwiri we ruerobhi (kureva aerobic) imhando yokubishamwiri kunosanganisa mapoka makuru etsandanyama uye anoita kuti mwiri ushandise ufemo hwakawanda kudarika hwunowanzo shandiswa munguva yezororo. Donzvo reruerobhi kuwandisa kusimba kwe mhumba. Mienzaniso ye ubishamwiri we ruerobhi hunosanganisa kumhanya, kutyovha, kushambira, kufamba, kudzana, mutswandabhora (kana bhasiketibhora), nhabvu, kutamba tenesi, maflawu, muyenderero wechirairidzo, uye kumhanya kwenguva refu.
  • Ubishamwiri we ruanerobhi (kureva anaerobic) kubishamwiri kunosanganisa chirairidzo che nguzvu ne gweso, inosimbisa uye kukudza ndemu ye tsandanyama, uye inobetsereda huduma hwe mapfupa, hugadaga ne ruringanyo (koodhinesheni). Mienzaniso ye ubishamwiri wezvenguzvu inosanganisa: masundakuzuru (push-ups), mazvuvakuzuru (pull-ups), malanji, machonjomaro, mabhenji-puresi.
  • Furekisibhiliti - kuvandudza tsandanyama.