Inzurini

Kubva Wikipedia

Inzurini kana tsvirini kutodza chiShona (kureva insulin muChingezi) chidenhi chechiphepiti chinogadzirwa ne nyere dze bheta dze mayileti erwatata akakodhwa muvanhu ne bari re INS. Inonzwisiswa sechidenhi chimotsi cheruvumbikano (kureva anabolism) rwemwiri. chinogadzirwa murwatata kuti itsaure rutapiri (girikosi) kuti rushandiswe seito (eneji) yemwiri. Inopimwa nemayuniti, uye irapiso rinoshandiswa kurapa chitsvigiri, chirwere chinozivikanwa nekuwanda kwe tsvigiri muropa. Inogadziridzisa vumetavoli hwe makavarhidhlati (makavarhidyati), dzinuno (mafeti) uye rivumbanyama (purotini) nekukurudzira manwirirwo erutapiri (girikiso) kubva muropa kupinda muchitaka, rinuno (feti), uye nyere ye tsandanyama ye vurangwanda. Mumatishuu aya rutapiri rwakanwirirwa rwunoshandurwa kuitwa vambarutapiri (girikojeni) nenzira inonzi huvambarutapiri (girikojenesisi), kana dzinuno (nhapirinhatu kureva matirigirisarayidhi) nenzira inonzi huvambarinuno (kureva ripojinesisi), kana, muchitaka, kana zvose zviri zviviri. Kugadzirwa kwe rutapiri uye kubudiswa kwayo ne chitaka kunodzivirirwa zvakasimba ne mawandiro einzurini muropa. Kupotera kwe inzurini kunogona kupokana nekusikwa kwe dzivumbanyama (mapurotini) ne matishuu akasiyana. Nepamsaka pazvo ichidenhi cheruvumbikano, chinokurudzira kushandurukwa kwe mamokekuru madoko muropa kuitwa mamorekuru makuru mukati menyere. Mawandiro einzurini mashoma muropa anokonzera chiitiko chakasiyana nekutikurudzira kwemawandiro eruvumbukino, kunyanya pamadzinuno emwiri akachengetedzwa.

Mashoko okuziva[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • phepiti - kubva pakuti peptide
  • yileti - kubva pakuti islets
  • vumetavoli metabolism - metabolyze (break down to take useful and discard unusable)
  • ruvumbikano kureva anabolism - anabolyse (build up into one)
  • catabolism - catabolyse (break apart into small pieces)
  • nhapirinhatu - kureva triglyceride (three sweet chemicals)