Utandu

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuChitandiro)

Utandu, chitandiro kana chitando (Dimension, degree, measure) apa kureva mwero wekukura, kusimba kana huwandu hwechinhu chiri kucherechedzwa. Zvichida izwi iri ringashanda kuturikira chinonzi dimension kuEnglish.

Dimension (1. Measurement in length, width, and thickness, 2. scope; importance).

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muchidzidzo chePimachisi, utandu kana hupamhi (dimensions) rinoreva nhamba shomane (minimum) dzemapangana dzinokwana kudoma pane chimiso munzvimbo iri kutaurwa nezvayo.

  • Mutsetse une utandu mumwe (1), hurefu chete nokuti nhambwe imwe (1) yehurefu inokwana kudoma pane chimiso chiri pamutsetse.
  • Chiumbwa chiri pamusandarara (plane) chine utandu huviri (2), hwasha nehurefu. Panodiwa mipimo miviri kutsangudza kukura kwakaita mhando yechiumbwa - hwasha, nehurefu.
  • Chiumbwa chine mumhu chinonzi chine utandu hutatu (3); hwasha, hurefu, nehudzamu. Hatikwanise kutsangudza kukura kwakaita mhando yechiumbwa ichi tisina kupa mipimo mitatu iri yose - hwasha, hurefu nehudzamu .

Saka 3-dimensiional shape inotandauka ichitevedza mupimo inoti hwasha, hurefu nehudzamu - zvitandiro zvitatu.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaSwahili vanoti utando kana utandu (something spread or stretched out) kureva utande. VaChewa vanoti tanda (spread, extend as a growing plant).
  • VaLugwere vanotaura vachiti kutandabala (be spread out; extend, broaden, occupy space) vachireva kutandavara.
  • Mururimi rweHerero vanoti tandavara kana taravara (expand; extend) vachireva kutandavara.
  • Mang'anja vanoti chitando (breath of cloth; things which have breath). Izwi iri rinobva pakuti kutanda (stretch).
  • VaKikuyu vanoti onene (n. dimension) vachireva utandu. Nsenga vanoti mutumba (n. breath, thickness, width) vachireva utandu.