Mapangana

Kubva Wikipedia

Muzvidzidzo Masvomhu nePimachisi, mapangana (Coordinates KuEnglish) izwi rinoreva nhamba dzakarongeka dzinoverengwa kuchitevedzwa maAkiso akatarwa munharaunda iri kushandirwa. Nhamba idzi dzinoringanisa (align) nhambwe dzinoverengwa dzichitevedza maakiso anotarwa akarurama kuti tigone kudoma pane chimiso chiri kutsvakwa. Izvi zvinoreva kuti nhambwe mbiri idzi, dzinokwanisa kunongedza chimiso chimwechete, chiricho choga - ipapo toti zvapangamika nokuti hapana kurasika. Tichinge tatara maakiso ane mapangana nenzira iyi tinenge tave neDandira reMapangana (Coordinates System). Ruzivo urwu rwakabatanidzwa naRené Descartes paakanyora Dandira reMapangana raDescartes (Cartesian Coordinates System).

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti iliphako kana amaphako (Secret plan).