Vakorekore

Kubva Wikipedia

Vakorekore kana Wakorekore rusinga rwe vanhu vechiShona vanogara kumaodzanyembaemabvazuva eZimbabwe, nzvimbo yavo inopinda mumupata weZambezi, Vakorekore sevanhu vose vanozivikanwa seVashona nhasi vakatanga seVakaranga, ndiro dzinza kana dhidhizha rashandiswa kududza vanhu vose. Huwandu hwe Vakorekore hwunosanganisa vanhu vanemadzitateguru aive Vakaranga, Vatonga na Vakaranga.

Murizvino ndivo vanodanwa vachinzi Vashona veMaodzanyemba.

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mavambo: Zanagore rechi-15[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mavambo e Vakorekore akabva hukuru hwe dzinza kana dhidhizha re Vakaranga raigara kuchamhembechemabazuva uye rushoma rwe chamhembechamodokero. Mukutanga kudonha kwe Umambo we Zimbabwe uye mukusimuka kwe Ubwami we Mutapa ruzhinji rwe huwandu hwevanhu vakasenguka vachienda kumaodzanyemba evhu re Zimbabwe muZanagore rechi-15.[1]

Mushure mekufa kwa Mambo Mavhudzi Chibatamamatosi baba wa Jinda Nyatsimba Mutota, hanzvadzikomana (kana kazi "cousin" paChishongrish) yaivo VaMutota yainzi VaMukwati yaikara Umambo yakaunganidzo vagwi yayo ndokugwisana naVaMutota uye ikabudirira, kureva kuti vaMukwati vakakunda VaMutota. Vaburira VaMukwati vakatora chigarochoumambo kuita Mutongi we Umambo we Zimbabwe, ngekuda kwazvo VaMutota ne vanhu vainge vakavimba navo vakatuta vakatiza vakaenda kunotsvaga nzvimbo yekugara, vachitsvaga imwe nzvimbo yokudana kanyi VaMutota vakarangarira nzvimbo yavakange vakambo shanyira vachiri Muchinda we Zimba uye baba vavo vasati vafa. Vakarangarira nzvimbo iyi ngekuti yainge yakanaka uye yakapfuma, ine vhu rinobara, ine munyu uye ine ndarama, saka vakatora vanhu vavo vakatungamidza kuenda ko. Nzvimbo iyi ndiyo yaive Mupata we Dande nzvimbo yaisanganirana ne Mupata we Zambezi.

Nzvimbo iyi yaigarwa ne Vatonga uye na Vatavara rusinga rwe vayera Nzou Mutokami (Mvuu), VaMutota vakashandura mutupo wavo Moyo Chirandu kuita Nzou Samanyanga, uyu ndiwo mutupo we rusinga rwe Vakorekore murarizvino futi.

Zita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

VaMutota ne Vateveri vavo vaifamba famba vachitama nzvimbo ye Dande gore ne gore kuitira kuvatsvake nzvimbo yekugara yavainyatso da, ngekudakwazvo, Vatawara vakavati "VeGore ne Gore", zitamusere iri rikazoshanduka nenguva kuita Vakorekore ndiro rikaita zita rusinga rwe Vakorekore.

Vakaranga, Vatonga, Vatawara[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vakorekore vanosanganisa Vakaranga, ne Vatonga uye Vatawara (Vatavara), ngokuti pakatuta Vakaranga vachienda kumaodzanyemba kutevera mwanakomana wa MamboMavhudzi Chibatamatosi mutongi we Umambo we Zimbabwe, ainzi Jinda Nyatsimba Mutota, vakasvikako kune Vatonga ne Vatawara (boka rechiShona), vakasanganisana hushoma hwe Vatonga vakaitwa Vakaranga uye gare gare Vakorekore. Asi vamwe Vatonga vakashingira vakasimbisisa mudzinza ravo.

Ubwami we Mutapa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Neushoma neushoma vachitodza tsika dzavo dze chikaranga, dzavakabva nadzo kuUmambo we Zimbabwe (kuMasvingo), vanhu vakatanga kuvaka misha yavo uye Umambo hwavo, ndiko kuvakwa kwakaita Ubwami we Mutapa. VaMutota vari muvambi uye mutongi, vakatanga kudanwa vachinzi MweneMutapa kureva "ishe vamugodhi", "muchengeti we rhewumu" uye "muchinda we mugodhi".

Mamwe mapeji ekutarisa:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. https://www.jstor.org/stable/1158673