Moyo Chirandu

Kubva Wikipedia


Mazviita Moyo,

Maita Moyo,

Maita Chirandu,

Gonoren'ombe,

Mushayachirashwa,

Mukaka tinomwa,

Mafuta tinozora,

Nyama tinodya,

Dehwe tinokakisa ngoma,

Ndove tinodzurisa mudzimba,

Muswe tinopumhisa doro,

Nyanga tichiita gonan'ombe,

Maita Chirandu,

Maita Moyo,

Maita Sahai,

Gono raMutindi naGochedza,

Vari Hwiru, varikuUnjiku,

Maita vana vaPfupajena,

Vari muDuma neChidumana,

Mushenjere wavaDuma usina pakaminama,

Pakaminama tinoorora,

VaMareranherera vanorera nedzavamwe,

Ndikafira pano wani,

Kudai kuenda ndichidzoka zvinoita huyo,

Chinondiona sechina meso, Navaripowo namangwana musanyara.

  • save masisiva