Nyatsimba Mutota

Kubva Wikipedia
Nyatsimba Mutota
Hupenyu
Horokodzwa Yake
Zita rekuzvarwa: Nyatsimba Mutota
Kwaakazvarwa: c.1400

Rusvingo, Umambo hwe Zimbabwe

Mutupo: Moyo
Dzinza: Karanga, Mbire
Dumidzo: Muchinda
Makore se Muchinda: c.1400 - c.1430
Uhwami wa Mutapa
Dumidzo: Mwenemutapa
Hutongi: c.1430 - c. 1450
Muzandisapo: Matope Nyanhehwe Nebedza
Mhuri Yake
Baba: Hwami Mavhudzi Chibatamatosi
Amai: ?
Mudzimai: ?
Vana:
Rufu
Rufu: c.1450

?, Mutapa, Zimbabwe

Akavigwa: ?, Zimbabwe
Madzimambo e Vashona
Umambo we Zimbabwe
Muzandisapo
Muzandiripo
Mavhudzi Chibatamatosi Togwa Mukwati
Ubwami wa Mutapa
Muzandisipo
Matope Nyanhehwe Nebedza

VaNyatsimba Mutota (c.1400-1450) kana Mwenemutapa Mutota vaive muvambi uye mutongi wokutanga weUbwami wa Mutapa. Mambo Mutota kana Hwami Mutota vaive mukororo waMambo na Mambokadzi weUmambo we Zimbabwe nyika yaive kumaodzanyemba kwenzvimbo inonzi Masvingo nhasi, uye ndiko kwavakazvarwa. Vakasika Ubwami wa Mutapa mugore ra1430 ndhokuva mutongi wekutanga, vakaramba variMambo kusvika pakufa kwavo. Humambo hwavo hwaive hwakabatana nezvikamu zvechamhembe cheZimbabwe yanhasi, nemaodzanyembaepakati peMozambiki yanhasi. Munguva yekutonga kwavo, Mutapa yakambove muchinguva chekuwedzera zvemauto uye nezvekukunda dzimwe nzvimbo dzakasiyana kusvika kuGungwa re Indiya. Mukuteera rufu rwa ivo VaMutota mukororo wavo VaMatope vakatevera semutongi akaenderera mberi nezvemauto zvavainge vatanga. VaMutota vakafa muhondo pakati pe Zanagore 15.[1]

Vambo rezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutota[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mwene[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Iro shoko rekuti 'mwene' rinoreva kuti 'owner' kana 'conquerer'. Raishandiswa munguva ye Mutapa richishandisirwa Madzimambo enguva yekutonga kwe Ubwami wa Mutapa.

Hwami kana Bwami[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Shoko rokuti Hwami kana Bwami ishoko reChishona rinowanikwa kumimwe mitauro ye Chibantu richireva kuti emperor kana king. Saka parizvino muWikipedhiya ye Chishona ririkushandiswa kumirirawo kuti emperor kuti tikwanise kusiyanisa mhando ye vatongi uye makuriro enzvimbo dzavaitonga. Ubwami ishoko ririkushandiswa kimirira empire kutodza hwami/bwami, sezvo empress arikunzi hwamikadzi.

Hunhu neTsika dzake[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mambo Mutota waibva kurusinga kana dzinza reMakaranga rinokandwa pazasi pezwi rokuti Shona mutsika dzanhasi.

Mhuri[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vabereki wa Mwenemutapa Mutota vaive vatongi weUmambo hwe Zimbabwe, baba vake vainzi Mavhudzi Chibatamatosi uye mudzimai wavo amai vaVaNyatsimbe Mutota vainzi Va(?). VaMutota vanonzi vakaroora vakadzi vakawanda mushure mekusika uye kutonga umambo hwavo, Mutapa. Uye pavana vavo panemuwechete anozivikanwa nokuti ndiye akazovatodza mukutonga Ubwami, mukororo wavo Jinda Nyanhehwe Matope.

VaMutota vakorovora mudzimai wavo Va(?).

Chiuto[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvakanyorwa kuti Muchinda murwi anonzi Nyatsimba Mutota anobva kuHumambo hweZimbabwe akatumwa kunotsvaga matsva emunyu kuchamhembe. Mwenemutapa Mutota akawana munyu wake pakati peVatonga uye Vatavara, dunhu reVashona, vaive vavhimi vakakurumbira veNzou. Vakakundwa uye guta guru rakagadzwa makiromita mazana matatu kuchamhembe kwe Umambo we Zimbabwe kuZvong'ombe naZambezi (ukokwakavamba Vakorekore) NaMutota semutongi, Humambo hwakapfuura nyika yevabereki uye ndokuva simba rakakura mudunhu iri, ichichengetedza kuzvimiririra kubva kune ane simba Vatorwa vechiPutukezi muMozambiki. Ubwami wa VaMutota hwakaramba huripo kusvikira, muZanagore rechi-17, kukwikwidzana pakati peVaputukezi neUmambo we Rozvi (kuzivisa kubva kwe platuwu ye Zimbabwe) kwakazvarirwa Mutota) kwakaparadzanisa.

Rudaviro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mambo Mutota aivimba munaMwari weVashona wavaidana nemazita akasiyana asiMwari ndiro zita raishandaswa kazhinji.

Uhwami wa Mutapa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Umambo we Mutapa, Uhwami/Ubwami wa Mutapa uye Mwenemutapa uUbwami yakasikwa nekutongwa na Nyatsimba Mutota aive mwanakomana we Mambo weUmambo we Zimbabwe. Ubwami uwu hwakatanga kudanidzwa uchinzi Mwenemutapa nekuda kwedumidzo raipuhwa vatongi varo, Mwenemutapa zvichireva mwene we mutapa (owner of the mines, kana wo lord of the mines) nekuti Mwenemutapa waive Ubwami waitapa mabwe kana simbi dzakakosha chaizvo senge ndarama, ngoda, utare nezvimwe wo.

Rufu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutota anofungidzirwa kunzi akafa mugore ra 1450 muZanagore rechi 13 uye akavigwa munyika inozivikanwa nhasi seZimbabwe.

Muzandisavapo (Muzandisipo)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muzandisavapo kana Muzandisipo ishoko ririkushandiswa kuturukira shoko rokuti "successor", kureva mutongi akamutevera. Shoko iri ririkutodza shoko rokuti Muzandiripo, iri ishoko reChishona rinoreva kuti "predecessor". Pakufa paMwenemutapa Mutota mukororo wake Jinda Matope Nyanhehwe Nebedza ndiye akatora chigaro choumambo akatonga Ubwami wa Mutapa (empaya ye Mutapa).

Mutsika dzanhasi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vhidhiyo gemu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Civilisation V Customisation[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyatsimba Mutota muvhidhiyo gemu akasikwa naSukritact,[2] nemipiro kubva kuReedstilt naPouakai.

Iyi modhi inoda Nyika Itsva Yakashinga. Nyatsimba Mutota! Wadaidzirwa, zvakare zvakare, kudzivirira nzira dzekutengeserana kubva kune avo vaizotora kubva kuVaShona. Unogona here kupa budiriro uye chengetedzo kuvanhu vako? Iwe unogona here kudzikamisa zvakadzika zveOfiri, izvo zvakaramba zvakavanda kwenguva yakareba zvakadaro? Iwe unogona kuvaka budiriro inomira muyedzo wenguva?[3]

Vatungamiriri neLastSword


Nhanganyaya: "Titambire! Ndini Nyatsimba Mutota, Muchinda akarasika. Wanzwa sei nezveZimbabwe?"

Nhanganyaya: "Nyatsimba Mutota anokudzwa kusangana newe nehupfumi hwako. Sei tisingatarise mutambo uyu nemutambo! Vamwe vachitamba! Uye pamwe gare gare ... nzira yekutengesa!"

Kukundwa: "Ofiri rapunzika. Shiri dzemuZimbabwe dzasiya dzese. Kana ukandiuraya unenge waparadza vanhu vangu vese vakasara."

Kukundwa: "Nyatsimba Mutota achakupinza pachivande! Ndatengesa zvese kure! Minda yangu haina maturo kwauri!"[3]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaFipa vanoti a'lu:tota (to stab) kureva kubaya nebanga kana pfumo. Chuwabo vanoti otota (v. hunt) kureva kuvhima.
  • VaWabo vanoti nyamatota (n, hunter) vachireva muvhimi. VaTakwane vanoti namatota (n. fisherman) vachireva muredzi.
  • VaKongo vanoti tota (arrow) vachireva museve. VaKongo vanoti tota (go up, ascend, climb) vachireva museve.
  • VaRundi vanoti gutota (to sprinkle medicine to protect from evil). VaRundi vanoti gutota (go along right in path of animals; to not be side tracked).

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. https://peoplepill.com/people/nyatsimba-mutota/ Yakatariswa: 13 Chikunguru 2021
  2. https://forums.civfanatics.com/threads/more-civilisations.494241/ Yakatariswa: 27 Chikumi 2021
  3. 3.0 3.1 https://civilization-v-customisation.fandom.com/wiki/Zimbabwe_(Nyatsimba_Mutota)_(LastSword) Yakatariswa: 27 Chikumi 2021