Chishongrish

Kubva Wikipedia

Chishongrish kana Chishongirishi mahwi anoshandiskwa kutumidza tsika ye kutaura mitauro ye Chishona ichosanganiswa ne Chingezi. Enzano ndeye kusanganisa Chizezuru ne Chingezi munhu achitaura.

Pakazhinji icho Chishongrish chinowanzo shandiswa mumhanzi nevayimbi, senge anaHoly Ten, Jah Prayzah (dzimwe nguva), Roki nevamwe wavo.

Mienzano[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Munhu wako azotii nezve kuenda to Thandi's house?I don't know kuti sisi varikuuya here.

Zvakanaka kuziva kuti Chishongrish chakasiyana ne Mashoko ekutapa, chinyamutevera chinoreva mashoko akabva kuChingezi avakushandiswa semashoko eChishona zuva ne zuva. Mashoko ekutapa haabve kuChingezi basi asi anobvafuti kuimwe mitauro senge Chiputukezi, Chiswahiri, Chiarabhu, Chikalanga, Chivhenda, Chitonga kana Chitsonga uye mitauro ye Chinguni nemimwe mitauro.

Muenzaniso we Mashoko ekutapa ne Chishongrish:

  • Chishongrish:

Ndaramba kubhilivha kuti anyoko wako wakadhivhosana nababa wako. Vaidisana wani.

Paragirafu -> paragraph

Matha -> mother

  • Kutapwa kwe mashoko:

Tarisai futi peji re: Mashoko ekutapa

Sisi (zvichireva taita kana hanzvadzisikana)

Terevhizheni

Dhali (zvhireva darling)

Pitsa (kureva pizza)

Chipunu (kureva spoon)