Muvakidzani
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMubanze)
Muvakidzani (neighbour) zvinotaura vanhu vanogara pamhatso kana misha iri pedyo napedyo kungava kudhorobha kana kumaruwa. Vamwe vatauri vanoti mubanze. Kumaruwa vabanze vanosangana pabanze rimwero.
- Banze (Meeting-place of men of a village). Pakuwanda toti mabanze.
- Mubanze kana mubanzi (neighbour; one living in a neighbourhood).
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Vavakidzani vanobatsirana panguva yenhamo.
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Xilenge inoti banza (n. fire around which men sit) kureva banze. IsiNdebele inoti umakhelwane (n. neighbour).
- Lenje inoti mwansi (one of same village, friend, neighbor). Xhosa inoti makhelwana (n. neighbour).
- Kikongo vanoti mbanza (city; metropolis). VaMbugwe vanoti pendo (n. neighbour).
- Hadiyya inoti amba (n. vicinity, village, settlement, neighborhood). Mamwe mazwi: ambi (n. neighbor). Amba'a (n. village; surrounding area).