SADC

Kubva Wikipedia

Sangano reBudiriro kuChamhembe kweAfrica, (Southern Africa Development Community) - SBCA-SADC isangano rinokotsvanidza nyika dziri mudunhu rekuchamhembe kweAfrica kuti dzishande pamwe mumabasa ebudiriro anosanganisira: kuronga zvokuchengetedza hupfumi; kutengeserana; kudzivirira nyika; uye matongerwo enyika. Muzinda weSADC uri muGaberone gutaguru reBotswana.

Nhengo dzesangano iri ndidzo dzinoti: Zimbabwe; Zambia; Mauritius; Seychelles; Madagascar; Angola; Namibia; South Africa; Mozambique; Democratic Republic of Congo; Malawi; Eswatini; Tanzania;Lesotho neBotswana. Nyika yeMadagascar yakambomiswa kuva nhengo yemukotsvanidzwa uyu mushure mokunge Andy Rajoelina abvuta zvechisimba chigaro chokuva mutungamiri wenyika. Nyika dziri murumana rweSADC (SADC region) dzine hugari hwevanhu mamiriyoni 277 vanogara munharaunda inoda kusvika mamiriyoni gumi eskweya rekiromita.


Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune dzimwe nyika dzinogamuchira mitauro mizhinji pakushanda mumabasa, mitauro iyi inokwanisa kunyorwa iri miviri panotaurwa mazita emasangano. Kana nesuwo mukutaura zita resangano reSADC tinokwanisa kunyora sezvizvi: