Nharaunda

From Wikipedia
(Redirected from Skweya rekiromita)
Jump to navigation Jump to search

Muzvidzidzo zveMasvomhu nePimanyika, nharaunda (1. Area, 2. Territory, district, province, 3. Environment) izwi rinoreva kukura kwakaita nzvimbo kunowanikwa nokuunga hwasha nehurefu hwenzvimbo iyoyo.

  • Nharaunda inodudza kukura kwenzvimbo ine nzenda mbiri.
  • Nharaunda inogonawo kutsvakwa pazviumbwa zviri pamutsendo uye chiso chine nzenda nhatu.

Kupima nharaunda[chinja | edit source]

Nharaunda inomimwa nezviyero zvinoti: skweya remita; skweya rekiromita; skweya refutu zvichingodaro. Kana kuchinzi skweya remita zvinoreva nharaunda yakakura kuenzana neye skweya rine mativi akareba mita rimwe. Ndizvo zvimwe neskweya rekiromita rine nharaunda yakakura kuenzana neye skweya rine mativi akareba kiromita rimwe.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

Takatarisa mazwi eSwahili ari pasi ayo tinoona unda zvichireva nzvimbo yakavakwa!

  • VaSwahili vanoti unda kana kuunda (make, construct, fit together, form) vachireva kuvaka, kuumbanidza kana kudungira.
  • VaSwahili vanoti muundo (1. building, structure, 2. pattern , model; 3. form, shape) vachireva chivakwa kana chiumbwa.
  • VaSwahili vanoti uunzi (building, carpentry, construction) vachireva kuvaka kana kuveza.
  • VaDigo vanoti unda (to make, to create, to construct) vachireva kuvaka.
  • Mururimi rweKizigua vanoti kuunda (to construct; to put together; to assemble) kureva kuvaka.
  • VaSwahili vanoti muunda kana muundi (one who builds or constructs something usually of wood) vachireva muvaki.