Hugari hwevanhu

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo cheTaranyika, hugari hwevanhu (population) ishoko rinoreva huhwandu hwevanhu vanogara munzvimbo iri kutaurwa nezvayo. Someunzaniso, guta reHarare rine hugari hwevanhu mamiriyoni 2,8 zvichitevedza manhamba akaburitswa mugore ra 2006.

MuZimbabwe vanhu vanosiverengwa mushure memakore gumi (10). Saka nhoroondo yokuverengwa kwevanhu inoti izvi zvakaitwa mukakore 1982, 1992, 2002. Kuverengwa kwevanhu kunotevera kuri kutarisirwa mugore ra 2012. Chirongwa ichi chinotungamirwa neCentral Statistics Office.

Tsinhano yeHugari mazwi Ari kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi population density kuEnglish, inodudzirwa sehuwandu hwevanhu vanogara munharaunda yeskweya rekiromita. MuAfrica nyika dzine tsinhano yehugari yakaderera dzinosanganisira Botswana neNamibia.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Dekenye zvinoreva huwandu hwevanhu vazhinjisa.
  • Dekenyera revanhu: (vast multitude of people, generally spectators). Dekenyera revanhu: mass
  • Matekeshe (Act of spreading out (e.g. herd of cattle). 2. Very large number of people or animals spread out over an area. Apa kureva kupararira kana kutekeshera.