Funguragetsi

From Wikipedia
(Redirected from Rugetseruko)
Jump to navigation Jump to search

Funguragetsi (Electrolysis in English) chiitiko chinoshandiswa kupfudzunura nhonda kuchishandiswa magetsi. Funguragetsi rinogoneka pane shurushuru inopereka magetsi. Chiitiko ichi chinoshandiswa paSable Chemicals kuKwekwe apo vanoshandisa magetsi kupatsanura oxygen ne hydrogen anova magasi anogadzira mvura.

Izwi rokuti nonda riri kuturikira chinonzi ions kuEnglish iro richidudza kuti I go or that which goes. KuChiShona patorwa izwi rokuti nonda rinodudza kutevera, to follow - sokuti Makanaka akati nonda nenzira yekurukova - Makanaka followed the path to the river. Nonda dzinokwezvewa kudivi rimwe renyere zvichienderana nechaji iri kudivi iroro. Manondanhuka (anions) ane chaji yakahwarara anokwezverwa kugumbunhuka rine hugonga nharadada - positive polarity. Manondanhoka (cations) ane chaji yakadara anokwezverwa kugumbunhoka rine gonga hwaradada - negative polarity.

Kupiwa Kwezita[chinja | edit source]

Izwi rokuti funguragetsi rakaumbwa richitodzaniswa nemazwi anoti:

  • VaSwahili vanoti fungua (1. untie, unfasten, loosen. 2. open, 3. open, start, inaugurate; 4. free, liberate, release).
  • VaSwahili vanoti mfungua (loosening , unfastening, release, liberation, rescue).
  • VaTaita vanoti kufungula (to free; to loosen).
  • VaZigula vanoti kufungula (undo, unfasten, unwrap, to take apart, unbind, unwind).
  • VaLungu vanoti ukufuungula (to unlock) kureva kulokonora kana kukiyinura.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Zvakanaka kuti tipe mashoko anorerutsa kuzotaura zvidzidzo izvi tichipfuurira mberi.

Tarisai chinyorwa chinonzi Nyere yaGalvani.