Rovambira

Kubva Wikipedia
Rovambira kwamhangwa.

Rovambira (Black mamba kana kuti tawa mafuta yemusoro mutema) imhando yenyoka inowanikwa muAfrica, kunyanya ku Sub-Saharan. Rovambira ndiyo nyoka ine muchetura hwakanyanya kusimba panyoka dzinowanikwa muAfrica. Muchirungu inonzi black mamba.Yakapiwa zita iri nokuda kwemukanwa mayo mutema, kwete nokuti inyoka nhema.

Muromo we rovambira
Muromo we rovambira

Mamba izita rechiNdebele nechiZulu renyoka iyi. Nyoka iyi ino nyanya kuwanikwa ine wurebu wunobvira pa 2.5 metres kusvika ku 3.2 metres, asi dzimwe nguva inoreba kusvika pa 4.45 metres. Rovambira ndiyo nyoka inomhanya kudarika dzimwe nyoka dzose pasi rose. Inokwanisa kusvika paSpidhi ye 4.32 to 5.4 metres pa second (11km/h). Inomhanyirana nebhiza riri kuzvimanyira nyore nyore.

Mifananidzo ye rovambira[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Rovambira ndiyo nyoka inotyiwa kupfuura dzimwe nyoka dzese muZimbabwe. Izvi zvinokonzerwa neukasha hune nyoka iyi kana ichinge yashatirwa. Tiri vadiki kwaitaurwa nyaya(malengends) dzekuti kune nyoka inomira nemuswe yokukobora panhongonya. Ino nyanya kushanda masikati. Mangwanani isati ya yenda kundo vima ino wanza kuwanikwa ichi dziya mushana mumapazi emuti. Ino gara mumabako, mumwena kana mumatombo, apo paino dzokera maneru ose kundo rara .

Kudya[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyoka iyi ino farira kuvhima mhuka diki, dzine ropa rino dziya zvikuru. Ino vhima masikati. Kana ichi vhima, ino zivikanwa noku simudza zvikamu zvitatu kubva muzvina zvemuviri wayo. Ino nyanya kuvhima zvi nhavira, makonzo, mbeva ne mbira. Dzimwe nguva, nyoka iyi inovhima shiri hombe dzaka ita se huku, ne matendere. Kana yaka ruma, hayi zvinetsi noku ramba yaka bata nhaphwa yayo. Ino ruma yo tevera mhuka yayo ku svika yafa, yochidya hayo. Muchetura wayo wakaipa zvokuti uno gona kuvuraya gonzo pa maminitsi mana. Kana mhuka yainenge yaruma yakada kutiza kana kurwisa, nyoka iyi ino ruma zvekare kuti mhuka yacho ikasire kufa. Senyoka dzese, rovambira ino tanga neku medza musoro wenaphwa yayo.

Kubarana kwadzo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pa kusanga, rovambira hadzi ino buditsa hwema hwuno kwezva hono. Hono dzin ouya nehuwandu hwadzo, zvichi enderana nehu hwandu hwadzo mudunu. Dzino rwisana, inenge yakunda ndiyo inowana mukana weku sangana nehadzi. Hadzi ino gona ku kandira mazayi anosvika ku makumi ma nomwe. Mazai aya ano tora mwedzi mitatu kuti achochonye. Nyoka dze rudzi uru idiki hadzi wanzo ku wonekwa, pamwe nekuti dzinokasira kukura. Pagore nyoka iyi inenge yatosvika pamametre maviri.

Zvinoiuraya[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kunyoka idzi, hombe, hapana zvino nyanya kuiuraya, nyagwe ichisangana nezvityiso zvakaita seshiri dzinodya mhuka, dzakaita semakondo enyoka. Kana dzichiridoko dzinenge dzirimunjodzi yokudyiwa nedzimwe nyoka, dzakaita semhungu. Vanhuwo vanouraya nyoka idzi nokuda kwokutya. Imwe mhuka inofarira kudya nyoka idzi, i dzvoro (moongose). Mhuka iyi ine muviri unogona kurwisana ne mucheturo wenyoka dzemuAfrika, zvinoita kuti ive inove muvengi mukuru wenyoka.

Dziviviro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kana yatangwa, rovambira rinotora chimiro chayo, chaiyine mbiri nacho. Inomira nemusve, yakasimudza chikamu chino pfura hafu yomuviri wayo. Yovhura moromo wayo unotyisa. Inofarira kutarisana nemu vengi wayo pameso. Izvi inoitira kutyisidzira muvengi wayo. Ino sarura kutiza, asi kana yaka tsamwa ino ruma zvaka petwa. Mucheturo wayo unouraya mhunu mukuru mukati mezuva rimwe chete, uye unonjandayisa mukati ne awa rimwe chete.

Kumanya[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyoka iyi ndiyo ino manya kudarika dzose pasirino. Inomanya zvokusiya munhu pamusoro pechinambwe chidiki. Inosvika pa 11km/h kusvikira ku 20km/h. Uye pakubhagamura ndiyo zvekare inotonga.