Nhova
Nhova kana kuti chipande (fontanelle in English) i nhongonya yevana vacheche. Inenge yakapfava ichitaridzika pakusava ne bvupa redehenya. Nhova inotendera kuti musoro wemwana uwumbike, kudzoka, nokudzvanyika panguva yokuzvarwa; izvi zvinobatsira kuti mwana abude pamukana waamai zviri nyore. Mapfupa emusoro anosimba kusvika nhava yavhara pamwedzi gumi nemisere kusvika makumi maviri nemana (18-24). Vamwe vanoti nhongonya.
Tsika[chinja | edit source]
- Vamwe vanotenda kuti nhova inofanirwa kurapwa nemishonga inozorwa pamusoro penzvimbo yacho.
- Mazuva ano kwave nevazhinjiwo vasisashandise mishonga yenhova, vanotenda mukupa mwana mvura yekunwa yakawanda kuti muviri wake usarase mvura yakawanda.
Mashoko Anotodzana[chinja | edit source]
- Mupandira kana Mupandiri
- Mupandirwa kana Mubandirwa
- Kupandira
- Nyamapanda (the place where roofing poles are found; the place that divides; the place of Chief Mapanda) apa kureva ruwa ruri kuMaodzanyemba kweZimbabwe pamuganhu neMozambique.
- Banda
- Mupandenyama
- Chipande
Mashoko okuti chipande kana mubandirwa angagona kuzoshanda kuturikira chinonzi capital kuEnglish - apa kureva mari yekuvamba bhizinisi. Capital means several things: highly important; first rate; excellent; chief; major; principal; prime; primary etc.