Mwero weTsumbu

From Wikipedia
(Redirected from Chimhiko)
Jump to navigation Jump to search

Chinyorwa chino chaukanganidza mazwi anoreva tsumbu.

Chitsumbu cheMazhanje
  • Mwanda (bundle of grass or grain) apa kureva chiswa kana chitsumbu chehuswa.
  • Chitsoko, chimhiko (a bunch, cluster of fruit) zvinoreva chitsumbu chemuchero wakadai semuzambiringa, tsambati kana mimwewo inokura iri zvitsumbu.
  • Dumbu (bunch of flowers - arranged).
  • Tsatsi (small bundle) zvichireva katsumbu kadiki.
  • Chiswa kana mwanda (bundle of grass) zvichireva chitsumbu chehuswa hwakasungwa pamwe sehuya hunoshandiswa kupfirira imba.
  • Svinga (bundle of wood) zvichireva hunt dzakasungwa pamwechete.


Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaLozi vanoti lianda (n. bundle of vegetables etc - tied with grass) kureva chimwanda.
  • VaRundi vanoti umuganda (bundle of sticks, rope etc; wood for the hut) kureva chimwanda.
  • VaWanga vanoti ingore (n. a large bunch of bananas).
  • VaHerero vanoti vongara kana ongara (v.i. cluster, gather together).