Mutamba
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMatamba)
Mutamba, muhumi, mushumwi, muzhinyu kana muzhumwi (n. Strychnos cocculoides) muti unowanikwa muZimbabwe unobereka muchero une deko gobvu rakakukuta.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Hora kana kora (1. Nearly ripe damba).
- Mazhumu kana mazhumwi ndiwo matamba. Vamwe vanoti mavhuku
- N'ono (yellow damba fruit) idamba reyelo.
Kurapa
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mudzi wemutamba unotapwa mushonga unorapa marwadza emudumbu, uye marwadzo epahuro.
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Bemba vanoti ifisongole (n. damba fruit) kureva damba. Nsenga vanoti chizimbili kureva damba.
- Nambya vanoti ipwi (n. dark damba fruit) kureva damba rakasvipira. Mamwe mazwi: tambashoko (n. orange damba fruit).
- Oshiwambo vanoti omauni (n. dark damba fruit) kureva damba. IsiNdebele vanoti umkhemeswane kureva damba.
- Venda vanoti maramba kureva matamba. Moore vanoti katr-poondo (n. strychnos spinosa) kureva mutamba kana mun'ono.
- Hadiyya inoti damba (n. gall bladder) kureva gungwa. Mamwe mazwi: dambo (n. bile).
- Xitsonga vanoti masala kureva matamba. Setswana vanoti mogorogorwane kureva matamba.