Kuzvara

Kubva Wikipedia

Pachinyorwa chino paunganidzwa mashoko anotaura kuzvara.

  • Kumonyongwa (Suffer pains of child birth) kana kupfumbwa zvinotaurwa pamarwadzo ekuzvara mwana.
  • Ngomwa (Barren woman). Zvino Sarai waiva ngomwa; waiva asina mwana Genesis 11:30.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Barara (ideophone of spreading widely e.g. in open plain; extending over a wide area). Apa zvichireva kuita fararira munzvimbo yakakura. Mune dzimwe nhambo, nokumwe kutaura tingati kutekeshera.
  • Bararira (scattering) Could this also mean generalizing? Ko izwi rokuti chaparira rinopinda papi?

Shoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Jeremiah 30 vhesi 6 Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi?

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mwana kuberekwa vaviri, mugota hamuchemi kacheche. (Some things cannot be done by one person alone, like conceiving a child).

Mitauro yaBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaWanga vanoti okhubereka (conceive a child) kureva kubereka. VaYao vanoti kuweleka (to give birth; beget).
  • VaLenje vanoti shala, zvara; shalwa, zvarwa; shalana, zvarana; shalila, zvarirwa. Kimbundu vanoti kuvala kureva kuzvara.
  • VaGanda vanoti kuzala (to beget, give birth) kureva kubara kwemunhukadzi. VaVenda vanoti beba (n. give birth).
  • VaGiryama vanoti kupata (to beget - of men) kubarisa kwemurume. Mamwe mazwi kuzhala (to beget - in reference to women) kureva kubara kwemunhukadzi.
  • VaFwe vanoti kureta ( to give birth - of humans). Mamwe mazwi: kuretiwa (to be born - humans). Muretisi (midwife).