Munhukadzi
Mataridziko
Munhukadzi kana mukadzi zvinoreva munhu akasikwa zvokukwanisa kutakura mwana mukati make - nokumwe kutaura anonzi muzvare. Shoko rokuti mukadzi rinonyanya kushandiswa pamuzvare akura, kana ari mudiki anonzi musikana.
- Mbaza (Woman of strong and forceful character). Apa kureva mukadzi ane chisimba kana ganyavhu pakutaura kana kuita kwake. Mbaza yegadzi: amazon.
- Handakamwe (Woman who has given birth once) apa kureva munhukadzi akazvara kamwe.
Kuzvara nokuyaruka
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Nhengo dzesikarudzi dzemukadzi ndeidzo dzinoshandiswa pakuzvarwa kwemwana. Kunoitawo dzimwe nhengo dzechikadzi dzinoshandiswa pakurera mwana uye kuti dzive dzinoyevedza kumurume.
Tsika nemabasa
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mumarudzi akasiyana vakadzi vane mabasa akasiyana zvishoma, asi mutsika zhinji vakadzi ndivo vanotarisirwa kuita mabasa ekubika; kuchenesa mumba nokutarira vana vadiki, nokushongedza mhuri.
Mamwe mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Ndechemba vakadzi kuva nedinha panhova. It is in,the family that women have a depression in the fontanelle.
- Kunzi mukadzi ari apa kunatsa munyu. In order to be called a proper house wife, she must know how to season her relish.
- Mukadzi akanaka ari womumwe. A woman is attractive when she is somebody else's (wife).
- Mukadzi isango rehuni rinotsvakwa naani naani. A woman is like a forest in which anybody can find wood.
- Munhukadzi ishavhi anoteverwa neshiri. A woman is like figs followed by birds.
- Mukadzi isango rehuni rinotsvakwa naani naani.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaLenje vanoti mwanakashi (n. woman, a female person, a wife) kureva munhukadzi kana mukadzi wemunhu.
- Umbundu vanoti ukai kureva munhukadzi. VaNgala vanoti mwasi kureva munhukadzi.
- VaMande vanoti musee (a woman) vachireva munhukadzi. VaWabo vanoti muyana kureva mukadzi.
- Yao vanoti mbumba (a woman) kureva munhukadzi. Sepedi vanoti mosadi (n. woman) kureva mukadzi.
- VaDigo vanoti m-chetu, mwanachetu kana chichetu (woman, a female person) kureva munhukadzi.
- Lenje vanoti lutundu (womankind) kureva vanhukadzi. Rukavango vanoti mukadi (a woman) kureva mukadzi.
- VaGanda vanoti omukazi (woman) kureva mukadzi. VaWanga vanoti omukhasi (woman) kureva mukadzi.
- Chimbalazi vanoti mukke (woman) kureva munhukadzi. VaManda vanoti mu-dala kureva munhukadzi.