Kudzingiswa

Kubva Wikipedia


Dzingiswa

Izwi rokuti kudzingiswa (circumcision in English) rinoreva kuchekwa kweganda rinovhara kumberi kwenhengo yesikarudzi yechirume inonzi mboro. Vamwe vanoshandisa izwi rokuti kuchecheudzwa kutaura tsika iyoyi.

Zvichienderana netsika munzvimbo dzakasiyana ganda iri rinochekwa pamazera akasiyana okuzvarwa. Zvakare zvikonzero zvinopiwa kutevedza tsika iyi zvinosiyana. Vamwe vanoita tsika iyi vachitevedza Chinamato. Vamwe vanoita vachiti inzira yokutaridza kuyaruka kwemukomana kuti ava murume. Vamwe vanoita senzira yokuchengetedza hutano vachiti nhengo yakachecheudzwa haichengete tsvina kumberi kwayo kana ganda riya rabiswa.

Kurudzi rwemaJudah, tsika yokudzingiswa inoitwa kana mwana ave nemazuva manonwe (8) okuzvarwa. MaJudah vanoita izvi vachitevedzwa mhiko yakaitwa nababa vavo Abraham pamberi paMwari.

Vanamati vechiMuslim vanoitawo tsika yokudzingisa.

Kuno kuAfrica vaRemba vanowanikwa kunyanya mudunhu reMberengwa vanoitawo tsika yokudzingisa iyi. Rudzi rwevaRemba vanoti madzibaba avo maJudah kana kuti vakabva kwakare kunyika yemaJudah.

Mamwe marudzi anoita tsika iyi yokudzingiswa anosanganisira: Xhosa; Shangani; Chewa; Varungu nemamwewo marudzi.

Hurumende yeZimbabwe ichishanda mubazi rezveHutano iri kukurudzira kuti varume vadzingiswe senzira yokuderredza kutapurirana kwehutachiona hunokonzera AIDS hunonzi HIV.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaGanda vanoti okukomola kana okutayirira (n. circumcise) kureva kuchecheudza.
  • VaSwahili vanoti zingia kana zingira. (appl. cause to encircle, surround etc).
  • VaZigula vanoti vunga kana mavunga (foreskin; uncircumcised penis) kureva nhengo yakachecheudzwa.
  • VaHerero vanoti omu-kova (n. foreskin) kureva ganda remberi remboro.
  • Baila vanoti bushonto (smallness). Baila vanoti -shonto (small, little). Sokuti: matwi mashonto (the ears are small).
  • MaZulu vanoti soka kana ukusoka (circumcize) kureva kudzingisa. VaBukusu vanoti liisoondo (n. foreskin).