Kuba
Mataridziko
Kuba zvinoreva kutora chinhu chisiri chako nechinangwa chokushandisa kunge chako uye pasina chinangwa chozodzosera mwene wacho.
Tsotsi kana kuti mbavha zvinoreva munhu anoita mabasa ekuba. Vamwe vatauri vechimanje-maje vanongoti vakomana kureva iwo matsotsi. Kuba zvinoreva kutora chinhu chisiri chako usina urongwa hwekuzivisa muridzi wacho kuti watora uye usina urongwa hwekudzosera.
- Matsviture (Sneak thief who steals anything he finds lying about) - apa kureva mbavha inoverera ichiba chero chayawana pamusha.
- Makonya zvinoreva munhu anofurira vamwe kuita tsika kana mabasa akaipa - bad influence.
- Kuboya kana kubodza, kuboza, kubozha (find by chance) zvinoreva kuwana kana kunhonga chinhu usiri kuzvitarisira. Kuboya hakuzi kuba. Ipapa panobva mazwi anoti bozho, uye bodzo.
- Muronda (Watchman, security guard) zvinoreva munhu ane basa rekuchengeta nzvimbo achidzivirira umbavha. Vatauri veChewa vanoti mulonda.
- Kupinga (to trap thives by putting intoxicating substance in food they are likely to steal) apa kureva kuteya mbavha nokuisa mushonga unodhaka kana kukora muchikafu chingangobiwa nembavha.
- Kubinya (cheat, defraud). Anoita izvi anonzi mubinyi, chiito chinonzi mubinyo.
- Mubinyi (Fraud. Cheat).
- Mubinyo (Fraud or cheating - act, or habit of).
- Nharirire (sentinel).
- Kubvuta (to snatch, to sieze). Kubvutwa kana kubvukwa.
- Kuchakatwa kana kupambwa (to be looted) iri rinotaurwa kuChiNdau. (Isaiah 13:16, Bhaibheri reChiNdau)
Tsika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mirairo gumi yaMwari ine mumwe unoti Usaba.
- Chikwene kana chinanga (Distinguishing mark. 2. Mutilation to mark thief) zvinoreva vanga rainyorwa pambavha kana vamwe vainge vapara mhosva.
- Kumberereka (Wander aimlessly). kana kutimhaira zvinoreva kungofamba uchitenderera panzvimbo zvisina chinangwa. Handidi kuti vana vamberereke kana vaburuka mubhazi: I do not want the children wandering about after getting off the bus.
- Abraham wakagunun'unira Abimelech ngendaa yechinyuka chemvura, icho chaiya chabvukwa ngesimba ngevaranda vaAbhimerekhi. (Genesis 21:25 Bhaibheri reChiNdau).
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- MaZulu vanoti eba (Steal, pilfer, thieve) lureva kuba. Sokuti ukweba impahla (to steal goods).
- VaYao vanoti kukwakula (to snatch away) kureva kuhwapura.
- VaMakua vanoti wiya (steal) kureva kuba. Kaviya izita remhuri. Nsenga vanoti mbafa (n. thief).
- VaGanda vanoti okubbirira (v. cheat) kureva kubirira. Omubbi (n. Thief).
- VaKiikizu vanoti -zwamura (v. steal) kureva kudzvamura.
- VaChewa vanoti mbala (a thief; burglar). Kinande vanoti obulahi (n. thief, robber) kureva mbavha.