Nyenyedzi
Muzvidzidzo Zvechadenga, nyenyedzi kana kuti nyeredzi zvinoreva zviri muchadenga zvinobwinya sokubwinya kunoita zuva. Nyeredzi dzine hujoto hwakakwira zvokuti sebhe irimo inoshanduka kubva pakuva gasi rinopisa rashanduka kuita vurazvu hunenge hwemoto (plasma kuEnglish). Plasma imhando yomusandu ine mwando unopisa zvakanyanya zvokuti maatomu anoshanduka kuva maayoni.
Zuva pacharo imhando yenyenyedzi uye ndiyo nyenyedzi iri pedyo zvakanyanya nepasirino. Kuzuva ndiko kunobva simba zhinji rinosvika pasi pano. Zuva rine kubwinya kwakanyanya zvokuti munguva dzemasikati dzimwe nyenyedzi dzinoita sokunge dzisipo tichiona kubwinya kwezuva chete. Nyenyedzi dzinozoonekwa kubwinya kwadzo munguva yemhanheru apo rimwe divi renyika rinenge rafuratira zuva rave murima.
Mazita eNyenyedzi[chinja | edit source]
- Hwerera kana kuti Nyamasase (planet Venus)
- Gwara raKurumbi (Milky Way).
- Chiunganyenyedzi kana chiunga chenyenyedzi (constellation).
Mitauro yeBantu[chinja | edit source]
- VaNyungwe neVaDigo vanoti nyenyezi (n. star) zvichireva nyenyedzi.
- VaSwahili neVaDigo vanoti nyota (n. star) zvichireva nyenyedzi.
- VaLenje vanoti nyenyeshi (n. star) zvichireva nyenyedzi.
- VaGanda vanoti munyenye (n. star) zvichireva nyenyedzi.
- VaNyoro vanoti nyunyuzi (n. star) zvichireva nyenyedzi.
- VaKikuyu vanoti cata kana njata pakuwanda (star, stars) kureva nyenyedzi.