Mbindikwa yemadziya ekufanza

Kubva Wikipedia

Mbindikwa yemadziya ekufanza (Latent heat of vapourisation) zvinoreva simba remadziya rinopinda mumutuvi richikonzera kuti ushanduke kuva gasi (kana mupfunga) pasina kushanduka kwehujoto. Mbindikwa yemadziya iyi inoenda kunowedzera spidhi yetukamumheu kuti tusununguke kubva pambambo dzemutuvi; panoitika izvi mutuvi unofanza pasina kushanduka kwehujoto zvokuti mutuvi negasi zvinenge zvakaenzana hujoto.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti latent rinotaura kuti chinhu chakavigwa (kana kuhwanda) asi chichizivikanwa kuti chiripo nokuti pane humbowo wokuti chorizo. KuChiShona Shoko rokuti kupfimbika rinoreva kuviga kana kukotsa chiro mupfimbi machinozivikanwa kuti chorizo.