Doro

Kubva Wikipedia

Doro (Beer) chinwiwa chinogadzirwa nokuviriswa kwezvirimwa kuchishandiswa mbiriso. Doro rinodhaka kana rikanwiwa rakawanda uye harina kunaka kuhutano kana richinwiwa rakawandisa.

Mamwe mazita edoro anonzi hwahwa, mhamba, mupeta uye kune mhando dzaka siyana siyana dzinoti, masese (dregs), kachasu, kangopisa ne doro rechi Rungu. MuZimbabwe doro rechirungu rinogadzirwa neNational Breweries, masese achi gadzirwa ne Chibuku Breweries uye nema kanzuru ne Afdis inogadzira kangopisa.

  • Kubvuvira kana kupumha (Add malt or yeast when brewing beer) kuisa mbiriso kana chimera pakubika doro. Tinobvuvira hwahwa nezuva retatu: we add malt to the beer on the third dav of its preparation.
  • Kuvira (fermentation).
  • Chiradza kana zviradza pakuwanda (A drunkard) zvichireva muraradzi kana mukariri wedoro.
  • Anodzvutudza doro kuti anzwe mubiko: he sips the beer to find out its taste.
  • Hokera (Attraction; quality of attracting). Doro rine hokera: beer betrays itself.
  • Kabisira (Private beer - brewed for a select few, not for sale or for many people).
  • Muhwa kana muswa (Stale beer) - apa kureva doro rave kushata kana kuora.
  • Kudzedzereka (stagger, reel) apa kureva mafambiro emunhu akadhakwa anotadza kufamba zvakati twasa.
  • Kachasu imhando yedoro rinobikwa kabisira nokuti haritenderwe nemitemo yenyika. Izwi rokuti kachasu rinobva kuPortuguese inoti cachasa.
  • Matimba kana mangisi - (sweet beer) iri idoro rinotapira.
  • Madzamba kana masese (sediment of beer).
  • Madzande kana chiparadza (Last round of beer at a work party).
  • Madesa (Last drops). Madesa emhamba: the last drops of beer.
  • Ndhari kana ndari (traditional beer which is being sold).
  • Zangata kana chimagi zikapu zihombe rinoshndiswa kuisa doro rechibuku.

Kubatwa nedoro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune matanho akasiyana ekubatwa nedoro zvichienderana nehuwandu uye mhando yedoro ranwiwa, uye vanhu vanodhakwa nehuwandu hwedoro hwakasiyana.

Kana munhu anwa doro anotanga kudhakwa doro richinge rawanda mumuviri. Kudhakwa kazhinji kunoonekwa nematauriro anenge oita munhu imwe nguva nyadzi dzapera otaura zvinhu asingawanzo kutaura kana doro risati ramubata.

Vamwe vatauri vanoti kudzandiwa vachireva kudhakwa asi pano tichati kudzandiwa kunodarika kudhakwa. Apa doro rinenge rabata muviri nepfungwa dzomunhu zvinodarika mwero wekunzi kudhakwa. Apa munhu anenge asisagone zvinhu zviri nyore sokufamba kana kumira.

Vamwewo vanoti kukorewa nedoro; asi pano tichati kukorewa doro rinenge rabata zvinodarika kudhaka nokudzandiwa. Apa doro rinenge romurwarisa munhu nokuwanda kwaro - iyi ndiyo inonzi intoxication kuEnglish.

Munhu anodhakwa kana kuti kuraradza anonzi chidhakwa kana kuti chiradza.

Zvirwere zvedoro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaHerero vanoti o-ngoto (vessel with a neck or narrow at top) - zvichida vanoreva chingoto.
  • Xhosa vanoti umqombothi (n. traditional beer) kureva doro rechivanhu. Gbeya vanoti doo (n. beer) kureva doro.
  • VaVenda vanoti inga (v. make beer) kureva kubika doro. BaRonga vanoti bzwala (n. alcoholic beverage) kureva doro.
  • Kimbundu vanoti kuzangata (v. stir) kureva kukurunga. Mamwe mazwi: lukola (n. alcohol).
  • Bambara vanoti dolo (n. traditional millet beer; alcohol) kureva doro. Danal vanoti tooro (adj. sour, acid, acrid) kureva kuvava.