Svetuka kuchirochemo

Chakata

Kubva Wikipedia
File:Chakata.jpg
machakata
Hupangu muSainzi
Muvuso: Plantae
Bazu: Tracheophytes
Bazu Angiosperms
Bazu Eudicots
Bazu: Rosids
Raya:[1] Malpighiales
Mhuri: Chrysobalanaceae
Jinasi: Parinari
Rudzi: P. curatellifolia
Zita reChipiri
Parinari curatellifoliaPlanch. ex Benth.

Chakata (Chirungu: mobola plum; Chindebele: umkhuna) muchero unowanikwa kubva pamuchakata (parinari curatellifolia), muti unogara uri wezerere unotonhorera muAfurika, unowanikwa munzvimbo dzemhando dzakasiyana, kazhinji dzinowanikwa munzvimbo dzisina kunyoroveswa uye mukati menzvimbo dziri pakati (dzakanyorowa-nekuoma). Chakata inozivikanwa sekuti mmupudu (nevatauri veChitswana muChamhembe cheAfurika), chakata inoonekwa semuchero unonaka uye unoita kuti muti usaregedzwe pano paradzwa nzvimbo munguva yekurima.[2][3]

Govore (mash of chakata fruit).

File:Muchakata.jpg
Muchakata. Wakati kurei, uye ndewe ruvara zerere.

Huruku yemuchakata idiki ichisvika wepakati, muti wakasvibira une mumbirwo inotia senge yehowa.[3]

Maruva anomera pamuchakata aneruvara ruri pakati pechena nekiwani, uye madiki muhuruku[4], iwo macalces uye madzinde akafukidzwa mune rakakora mvere dzemakwai, dzakaita ngura.[3]

Muchero uyu unotsvakwa zvakanyanya uye miti yacho inowanzo kusiiwa yakamira kana nzvimbo dzehuni dzacheneswa, zvichiita kuti dzive chinhu chinoonekera mumigwagwa iri mudunhu repamusoro.[3]

Zvimwe zvekuziva

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muchakata unokura muwoodland yakashama, muivhu rine jecha rakawanda (sandy soil), uye kukwira kwerenji (altitude range) yayo inosvika 980-2200m.[3]

Muchakata unowanzo tanga kumera maruva mumwedzi waChikunguru kusvika mumwedzi waGumiguru. Unogovevwa pasirose kubva kuSenegawu kusvika kuKenya, uye kuChamhembe kuenda kuBhotswana, Zimbabwe nekuEswatini.[3]

Munyika yeZimbabwe, muchakata wakagovevwa kubva kumaodzanyemba, chamhembe, madokero, mabvazuva uye nepakati penyika.[3]

Hacha (chakata); Muhacha (muti wechakata; muchakata)[3]

Buni (chakata); Mubuni (muti wechakata; muchakata)[3]

Isha (chakata); Muisha (muti wechakata; muchakata)[3]

MuChindebele muchakata unonzi Umkhuna

Asi, mobola, chakata ne mmupundu ndiwo mazita anowanzo shandiswa.

Kunyangwe Vachewa vanoshandisa izwi rekuti 'Mpundu' rinoshaniswa neVatswana.

Mazwi ashandiswa

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Tinotenda maruva tadya chakata.
  • Chakata kutsvukira hunzi ndipotserwe. The chakata fruit. ripening on the tree says, "Throw at me."
  • Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe. It is the trick of a chakata fruit to ripen (while still) on the tree so that it can be thrown at.

Mabviro eruzivo

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  1. VaShona, 9 Gunyana 2019, 'raya' Yakatariswa: 10 Chikunguru 2021
  2. Coates Palgrave, K. (1997). Trees of Southern Africa. Struik Publishers.
  3. 1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 Mark Hyde, Bart Wursten, Petra Ballings and Meg Coates Palgrave, (2002-21) "muchakata" Yakatariswa: 16 Chikunguru 2021
  4. VaShona, 30 Chikunguru 2015, 'size' Yakatariswa: 16 Chikunguru 2021