Chakata

Kubva Wikipedia
File:Chakata.jpg
machakata
Hupangu muSainzi
Muvuso: Plantae
Bazu: Tracheophytes
Bazu Angiosperms
Bazu Eudicots
Bazu: Rosids
Raya:[1] Malpighiales
Mhuri: Chrysobalanaceae
Jinasi: Parinari
Rudzi: P. curatellifolia
Zita reChipiri
Parinari curatellifoliaPlanch. ex Benth.

Chakata (Chirungu: mobola plum; Chindebele: umkhuna) muchero unowanikwa kubva pamuchakata (parinari curatellifolia), muti unogara uri wezerere unotonhorera muAfurika, unowanikwa munzvimbo dzemhando dzakasiyana, kazhinji dzinowanikwa munzvimbo dzisina kunyoroveswa uye mukati menzvimbo dziri pakati (dzakanyorowa-nekuoma). Chakata inozivikanwa sekuti mmupudu (nevatauri veChitswana muChamhembe cheAfurika), chakata inoonekwa semuchero unonaka uye unoita kuti muti usaregedzwe pano paradzwa nzvimbo munguva yekurima.[2][3]

Govore (mash of chakata fruit).

Ratidziko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

File:Muchakata.jpg
Muchakata. Wakati kurei, uye ndewe ruvara zerere.

Huruku yemuchakata idiki ichisvika wepakati, muti wakasvibira une mumbirwo inotia senge yehowa.[3]

Maruva anomera pamuchakata aneruvara ruri pakati pechena nekiwani, uye madiki muhuruku[4], iwo macalces uye madzinde akafukidzwa mune rakakora mvere dzemakwai, dzakaita ngura.[3]

Muchero uyu unotsvakwa zvakanyanya uye miti yacho inowanzo kusiiwa yakamira kana nzvimbo dzehuni dzacheneswa, zvichiita kuti dzive chinhu chinoonekera mumigwagwa iri mudunhu repamusoro.[3]

Zvimwe zvekuziva[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muchakata unokura muwoodland yakashama, muivhu rine jecha rakawanda (sandy soil), uye kukwira kwerenji (altitude range) yayo inosvika 980-2200m.[3]

Muchakata unowanzo tanga kumera maruva mumwedzi waChikunguru kusvika mumwedzi waGumiguru. Unogovevwa pasirose kubva kuSenegawu kusvika kuKenya, uye kuChamhembe kuenda kuBhotswana, Zimbabwe nekuEswatini.[3]

Munyika yeZimbabwe, muchakata wakagovevwa kubva kumaodzanyemba, chamhembe, madokero, mabvazuva uye nepakati penyika.[3]

Mamwe mazita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Hacha (chakata); Muhacha (muti wechakata; muchakata)[3]

Buni (chakata); Mubuni (muti wechakata; muchakata)[3]

Isha (chakata); Muisha (muti wechakata; muchakata)[3]

MuChindebele muchakata unonzi Umkhuna

Asi, mobola, chakata ne mmupundu ndiwo mazita anowanzo shandiswa.

Kunyangwe Vachewa vanoshandisa izwi rekuti 'Mpundu' rinoshaniswa neVatswana.

Mazwi ashandiswa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Tinotenda maruva tadya chakata.
  • Chakata kutsvukira hunzi ndipotserwe. The chakata fruit. ripening on the tree says, "Throw at me."
  • Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe. It is the trick of a chakata fruit to ripen (while still) on the tree so that it can be thrown at.

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. VaShona, 9 Gunyana 2019, 'raya' Yakatariswa: 10 Chikunguru 2021
  2. Coates Palgrave, K. (1997). Trees of Southern Africa. Struik Publishers.
  3. 3.00 3.01 3.02 3.03 3.04 3.05 3.06 3.07 3.08 3.09 Mark Hyde, Bart Wursten, Petra Ballings and Meg Coates Palgrave, (2002-21) "muchakata" Yakatariswa: 16 Chikunguru 2021
  4. VaShona, 30 Chikunguru 2015, 'size' Yakatariswa: 16 Chikunguru 2021