Vachewa

From Wikipedia
Maski rechiChewa

Vachewa kana Wachewa iboka reruchava rweVabantu rekuPakati ne chamhembe kwe Afurika uye boka rikuru pakati mapoka ose anowanikwa muMalawi. Vachewa vane hukama huri pedyo nemapoka evanhu vanogara mudhuze navo, senge Vatumbuka ne Vansenga. Mukutodza nhoroondo vane hukama ne Vabemba, avo vavanogowa ruvambo navo muUtemabanze we Rudhende rwe Vukongo. Senge neVansenga ne Vatumbuka, chikamu chidoko cheteritori yeVachewa yakapesvedzerwa ne Vangoni, vainge vane ruvambo rwe chiZulu. Rimwe zita rinoshandisirwa Vachewa nderokuti Vanyanja. Mutauro wavo unonzi Chichewa kana Chinyanja, vanozivikanwa ndekuda kwe mamaski avo nenzanga dzokuhwandisa, dzinonzi Nyau, uyezve ndekuda kwe maitiro avo ekurima.