Godo

Kubva Wikipedia

Muzvidzidzo zvinotevera: fundoyetsimba; nescience, godo (solid) izwi rinotsangudza chinhu chakaumbana chisingayerere chingafananidzwa nedombo kana simbi. Takatarisana nemvura tinoona inoita magodo emazaya echando (ice) kana mvura yatondodzwa zviri pasi pe 0 Celsius. Magodo haayerere uye anochengeta kuumbwa kwaakaitwa, pasina kutsindirika kwakanyanya kungaitwa.


Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mazwi okuti mufemu kana femu anenge anoshandiswawo kureva solid?
  • Gwada (congealed mass).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaBemba vanoti kosa (n. solid, tough, hard) kureva godo. VaBemba vanoti kosha (harden) kureva kukukutara.
  • MaZulu vanoti songela (Get solid, begin to harden; become constipated) kureva kukukutara.
  • VaNande vanoti eriwata (n. be solid). Mamwe mazwi: enyúmba yámáwáta (the house is solid).