Gasi

Kubva Wikipedia
Tubanzu twe gasi tunofamba madiro kana pasina ndima ine magetsi.

Gasi (Nge. gas) muchidzidzo fundoyetsimba izita rinoreva zvinhu zvinenga mweya watinofema, zvisingabatike, asi zvichigona kunzwika kuti zviripo. Gasi imhando yesebhe dzinozivikanwa dzinosanganisira godo ne mutuvi.

Gasi rinotambanuka kuzadza nzvimbo kana rongo rarinenge raiswa, zvakare rinogona kutsindirwa kana puresha yawedzerwa. Izwi rokuti gasi ratorwa kune shoko reChingezi. Mienzaniso yegasi inosanganidza oxygen, carbon dioxide, hydrogen, hydrogen sulphide zvichingodaro.

Mweya watinofema wakaumbwa nemagasi anoti: nitrogen; oxygen; carbon dioxide; munyonhi; nemagasi nharangani. Nitrogen ndiyo ins huwandu hwemakumi masere nemapfumbamwe kubva pazana (79%). Oxygen ine 20%, hwemakumi maviri kubva pazana.

Magasi Nharangani anoonekera pakuti haana munhuwi, haana ruvara uye ane hatomu nyaumwe - monoatomic. Magasi nharangani anosanganisira: Helium (He), Neon (Ne), Argon (Ar), Krypton (Kr), Xenon (Xe), Radon (Rn). Shoko rokuti nharangani rinodudzira chinhu chisingawanikwi nhando - rare, scarce.

Mweya wakakomberedza kana mweya wakapoteredza (ambient air) zvinoreva mweya uri munharaunda yakamborerera nzvimbo iri kucherechedzwa.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]