Mudida

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo cheMasvomhu, mudida (rate) izwi rinoreva hukama huripo pakati penhamba dzine nzenda dzakasiyana. Nokumwe kutaura Mudida igovano yezvinhu zviviri zvine nzenda yakasiyana. Muenzaniso weMudida inosanganisira Muchacha(speed), kurova hwehana (Heart beat), Kuchivirika. Izvi zvataurwa zvine nzenda dzinoti: Muchacha (metres/second), kurova kwehana (beats/second), Kuchivirika (Joules/Second).

Kazhinji Mudida unotaurwa kuchishandiswa nguva semupimo uri kufananidzwa nawo; asi tinogonawo kushandisa nhambwe, huremu zvichingodaro. Sokuti tarakita yangu inofamba 10km pa Rita repeturu, kana kuti nyama iri kutengwa nemutengo we $5 pa Kg.