Zvindeya muRuambanyeredzi


Muchidzidzo che Ruambanyeredzi (Nge. astrology) zvindeya ne mitumbi ye muchadenga zvinosanganiswa kuvumba mwiri we zanodzamu reruzivo rwe ruambanyeredzi kuitira kudzidza nezve vupenyu hwe vanhu. Zviro zvemuchadenga zvinosanganiswa kunze kwe zvindeya, zvinosanganisa mwedzi, zuva, ne zvindeya zvidoko senge seresi, ẋaironi (kureva chiron), erisi [1] , pamusoro pezvo Rinopasi harisanganiswi muruambanyeredzi nekuti vanhu vanogara paRinopasi, asi chinangwa cheruambanyeredzi kuwongorora mapesvedzero emitumbi ye muchadenga pavanhu.[2] Rinosanganiswa zvisingavoneki, nekuti, senzvimbo yekuzvarwa ndiro divi-reruono rekuti zvindeya zvakagadzikwa sei muchadenga nekuenda kwe nguva uye nekupoterera zuva.
Muruambanyeredzi, machati anoshandiswa kurondedza horokodzwa muraya rinonzwisisika. Chati remunhu rine zvikamu zviviri, chikamu chekutanga ndechezvindeya ne mitumbi yemuchadenga, rechipiri nderedzimba idzo dzinotodza zviratidzo zveruambanyeredzi. Zvindeya ne mitumbi zvakarongwa zvichitanga ne zuva, mwedzi, nyamatsatse, hweva, murongazuva, vhenekeratsvimborume, chirema, chivusamatenga/muronzamatenga (yuranasi), bwimamushana/n'aimamushana (neputoni), njondi (puruto). Pane dzimba guminembiri muruambanyeredzi dzinoenderana nezviratidzo zviguminembiri.
Nyamatsatse[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Nyamatsatse inotonga maratidzo maviri Mhandara (kana virigo) na Mamanga kana Jemano )[3], Unhongi maratidzo maviri Mhandara na Chirongo kana Akwarisi. Muruambanyeredzi nyamatsatse inomirira njere (kana pfungwa; 'kuva nemusoro'). Saka inoratidza matauriro anoita munhu, mafungiro emunhu wacho nezvekuti anofunda sei uye zvekuti zvifundo zvinopinda sei muuropi.[3][4][5] Nyamatsatse inotaridza magadziriro nemasikiro atinoita zvinhu pachedu, nemafungidziro atinoita. Zvinhu zvakaita sekuti, tinonyora pasi tichifunga here, kana kuti, tinotaura kana tichifunga, uye kana kuti hatifunge zvakakwana kana kuti tinofungisisa, zvese zvinotaridzwa naNyamatsatse.[5]
Mashoko anobatanidzwa neNyamatsatse muruambanyeredzi:
- kuva nemusoro; pfungwa
- Matauriro emunhu
- Njere
- Kufunda (kana kudzidza)
- Mafungiro, kunyora
- Kuverenga
- mangwariro emunhu
- Mitauro; rurimi[3]
-
Nyamatsatse chindeya.
-
Chiratidzo kana chikwangwani (symbol) yeNyamatsatse muRuambanyeredzi.
-
Mhandara kana Vhego (Virgo) imwe nyenyedzi inoshandiswa muRuambanyeredzi, uye Unhongi na inotongwa naNyamatsatse.
-
Mamanga kana Jemenai (Gemini) yeRuambanyeredzi inotongwa naNyamatsatse.
-
Chirongo kana Akwarisi (Aquarius) imwe nyenyedzi inoshandiswa muRuambanyeredzi, uye Unhongi naNyamatsatse.
Hweva[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Hweva muruambanyeredzi anotonga nyeredzi kana zviratidzo zviviri, Handira (kana Torisi) na Pima (kana Ribhura)[3], unhongi maratidzo Hove (kana Paishisi). Muruambanyeredzi Hweva anomirira runako, tunonaka, nekushamwaridzana. Hweva muchati (chart) yemunhu inoratidza tunhu tunofarirwa nemunhu iyeye nezvinhu zvaanenge achifunga kuti zvakanaka, uye zvinhu zvavanokwezva, uye mapindiro avanoita murudo.[3][4][6] Hweva ndevezvemufaro, kuda munhu nekudiwa, kukwezva nekukwezviva, kuroora, ushamwari nekupfava kwemoyo. Uyezve anomirira mari, nekubatanidzwa kwevanhu kana zvinhu / kushanda nevamwe.[6]
Mashoko ezvaHweva muruambanyeredzi:
-
Hweva chindeya.
-
Chimiriro kana chikwangwani cheHweva muRuambanyeredzi.
-
Handira kana Torisi (Taurus) nyenyedzi kana ratidzo yeRuambanyeredzi inotongwa naHweva.
-
Pima kana Ribhura (Libra) ratidzo / nyenyedzi yeRuambanyeredzi inotongwa naHweva.
-
Hove kana Paishisi (Pisces) imwe nyenyedzi inoshandiswa muRuambanyeredzi, uye Unhongi naHweva.
Mrongazuva[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Murongazuva muruambanyeredzi anotonga nyereedzi kana ratidzo inonzi Hondowe (kana Erisi) na Nyavada 9kana Skopiyo)[3], unhongi maratidzo Mbudzi (kana Kapurikoni). Anomirira chikamu chedu chinoita senge mhuka, hasha dzedu, kuda kwedu kwekukwikwidza nesimba redu rekuita zvinhu tichipedza. Uye shungu, moto urimoyo nekusatya.[3][4][7] Madiro anoita munhu chinzvimbo, marwiriro anoita munhu kuti awane chinhu zvese zvinotaridzwa naMrongazuva. Mrongazuva anoita kuti vanhu vanatso shanda, uyeshandiro avo anoratidzwa naMrongazuva futi. Makudziro nekuzvitakura kunoita munhu, nezvese zvebonde zvinotaridzwa naMrongazuva. Ndoosaka Mrongazuva achinzi chindeya cheShungu.[7]
Mashoko ezvaMrongazuva muruambanyeredzi:
- shungu; moto
- kupisa; hasha
- kusvira; ruchivo
- Kushanda; zvombo
- Kukudzwa; kudada
- Kukara
-
Mrongazuva chindeya cheRuambanyeredzi.
-
Chimiriro kana chikwangwani cheMrongazuva muRuambanyeredzi.
-
Hondowe kana Erisi (Aries) nyenyedzi / ratidzo yeRuambanyeredzi, inotongwa naMronguzava.
-
Nyavada kana Skopiyo (Scorpio) kudhara yaitongwa naMrongazuva.
-
Mbudzi kana Kapurikoni (Capricorn) imwe nyenyedzi inoshandiswa muRuambanyeredzi, uye Unhongi naMrongazuva.
Vhenekeratsvimborume[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Nekuti zita raVhenekeratsvimborume rirefu, richapfupiswa kunzi: Vheneke kana kuti Tsvimborume.
Muruambanyeredzi anotonga nyenyedzi kana chiratidzo chinonzi Uta kana Sajiterisi (Sagittarius), na Hove kana Paishisi (Pisces)[3], Unhongi maratidzo Mbudzi kana Kenza (Cancer). Pamusoro pezvo anomirira tariro, kuvimba nekukura kwemunhu. Inoratidza kuti munhu anowana mufaro ne chirongwa chohupenyu sei, uyezve anotaridza kuti ndepapi muhupenyu hwemunhu pavano vana rombo rakanaka.[3][4][8] Zvakadaro, Vheneke anotaridza kufunda kwemunhu, mafungiro makuru, kunamata, uchenjeri nenjere dzemunhu. Kubudirira newana kwemunhu, kufamba nyika, uye Vheneke mutongi. Anoratidza hupfumi futi.[8]
Mashoko ezveVheneke muruambanyeredzi:
- Rombo rakanaka
- Kukura; kuwanda kwezvinhu
- mufaro
- Kunzwisisa
-
Vheneke chindeya.
-
Chimiriro kana chikwangwani yaVheneke muRuambanyeredzi.
-
Uta kana Sajiterisi (Sagittarius) inyenyedzi kana ratidzo rinoshandiswa muRuambanyeredzi uye rinotongwa naVheneke.
-
Hove kana Paishisi (Pisces) imwe nyenyedzi inoshandiswa muRuambanyeredzi, uye yaimbotongwa naVheneke.
-
Gakanje kana Kenza (Cancer) inyenyedzi kana ratidzo rinoshandiswa muRuambanyeredzi uye Unhongi naVheneke.
Chiremera[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Chirema kana Chiremera muruambanyeredzi anotonga nyeredzi kana ratidzo rinonzi Mbudzi kana Kapurikoni (Capricorn) na Chirongo kana Akwarisi (Aquarius) [3], Unhongi maratidzo Pima kana Ribhura (Libra). Pamusoro pezvo anomirira chirango, kudzorwa / kurambidzwa muhupenyu, mutemo uye anoreva chokwadi. Inomirira zvipingamupinyi futi nebvuvano (ma-responsibilities) dzemunhu, maitiro avanoita zvinhu zvakakosha.[3][4][9] Chiremera anotaridza mabatiriro anoita munhu zvinhu zvakokasha futi. Chiremera mufundisi (kana mudzidzisi) uye anomirira vaye kana zvinhu zvine simba kwatiri kana zvakakudzwa.[9]
Mashoko ezvaChiremera muruambanyeredzi:
- Mutemo; chitangara (chimiro; structure)
- Bvuvano,
- Kushanda
- Chisungo ne ndima
- Zvifundo zvemuhupenyu
- Rombo rakanaka (asi rinotora nguva nekushanda)
-
Chiremera chindeya.
-
Chimiriro kana chikwangwani yaChiremera muRuambanyeredzi.
-
Mbudzi kana Kapurikoni (Capricorn) nyenyedzi kana saini rinoshandiswa muRuambanyeredzi, uye inotongwa naChiremera.
-
Chirongo kana Akwarisi (Aquarius) nyenyedzi kana saini inoshandiswa muRuambanyeredzi. Kare yaitongwa naChiremera.
-
Pima kana Ribhura (Libra) nyenyedzi kana saini rinoshandiswa muRuambanyeredzi, uye Unhongi naChiremera.
Yuranisi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Muruambanyeredzi Yuranisi anotonga chiratidzo chinonzi Chirongo kana Akwarisi (Aquarius)[3], Unhongi maratidzo Nyavada kana Skopiyo (Scorpio). Pamuso pezvo anomirira shanduko kana kuva nezano isina kurongerwa. Zvinhu zvisingatarisirwi kana kurongerwa. Muchati yemunhu Yuranisi anoratidza nguva inoitika kana yakaitika zvinhu zvakange zvisina kurongerwa.[3][4][10] Yuranisi anoratidza kuva nepfungwa yakavhurika. Yuranisi ndeye zvinhu zvese zvizve rusununguko, nyika yese, kubatsirana, kuva nemutsa / tsitsi.[10]
Mashoko ezveYuranisi muruambanyeredzi:
- Eccentricty; unpredictability
- Shanduko
- Kupandukira (rebellion)
- Kuvandudzwa (reformation)
- Kutangira/ zvinhu zvitsva (originality)
- Kusika; unyanzvi
- zvinhu zvemagetsi
-
Yuranisi (Uranus) Chindeya.
-
Chimiriro kana chikwangwani yeYuranisi muRuambanyeredzi.
-
Chirongo kana Akwarisi (Aquarius) inyenyedzi inoshandiswa muRuambanyeredzi uye inotongwa naYuranisi.
-
Nyavada kana Skopiyo (Scorpio) inyenyedzi inoshandiswa muRuambanyeredzi uye Unhongi naYuranisi.
Neputoni[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Neputoni muruambanyeredzi anotonga nyeredzi kana ratidzo rinonzi Hove kana Paishisi (Pisces)[3], Unhongi maratidzo Mbudzi kana Kenza (Cancer). Neputoni anomirira ndoto nengano muhunhu hwedu (nyangwe muhupenyu hwedu). Pamusoro pezvo anomirira zviroto, manzwiro (kana intuition) nefungidziro dzedu (kana imagination).[3][4][11] Uyezve, inomirira zviroto zvemunhu kuzvinyepera (delusions) kwemunhu - nepavane unyanzvi hwekusika. Mafungiro asiri mubhokisi uye mafungiro asina kudzorwa. Nhetembo, mhanzi, nekutamba zvese zvinhu zvechisiko zvinoratidzwa naNeputoni, uye kuzarirwa nemanzwiro.[11]
Mashoko ezveNeputoni muruambanyeredzi:
- Zviroto,
- Ndoto,
- Ngano
- Manzwiro
- Zvakavanzika (mysticism)
- Kuzvinyepera; zvisipo
-
Neputoni (Neptune) chindeya.
-
Chimiriro kana chikwangwani yeNeputoni muRuambanyeredzi.
-
Paishisi kana Paishisi (Pisces) inyenyedzi kana saini inoshandiwa muruambanyeredzi, uye inotongwa naNeputoni.
-
Gakanje kana Kenza (Cancer) inyenyedzi kana saini inoshandiwa muruambanyeredzi, uye Unhongi naNeputoni.
Njodi (Puruto)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Njondi chindeya chidiki, uye muruambanyeredzi chinotonga chiratidzo chinonzi Nyavada kana Skopiyo (Scorpio)[3], Unhongi maratidzo Shumba kana Riyo (Leo). Njondi anomirira simba nekukwira mumaitiro, uye inoratidza mashindiro anoita munhu simba raanaro, kuchinja kwatinoita muhupenyu.[3][4][12] Pwuto rinomirira rufu nekuzvarwa futi (rebirth). Njondi ndeye kuzvidzora muhupenyu, anomirira kupara kwezvinhu, kubatikana neshungu. Njondi anoti "zvekare zvoenda zvitsva zvopinda", uye unofanhira kugadzirira zvinoteera zvacho.[12]
Mashoko eNjondi muruambanyeredzi:
- Kushanduka; kukura (kuchinja)
- Simba nekuzvidora
- Kuvandudzwa
- Rufu
- Ruzvarwo; kuzvarwa futi
-
Pwuto (Pluto) chindeya.
-
Chimiriro kana chikwangwani yePwuto muRuambanyeredzi.
-
Chimiriro kana chikwangwani yePwuto muRuambanyeredzi.
-
Nyavada kana Skopiyo (Scorpio) inyenyedzi kana ratidzo indoshandiswa muRuambanyeredzi, uye inotongwa naPwuto.
-
Shumba kana Riyo (Leo) inyenyedzi kana ratidzo indoshandiswa muRuambanyeredzi, uye Unhongi naPwuto.
Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- ↑ Chester-Lambert, A., (2016), Astrology Yakaẋandiswa pokutanga ne The Astrological Journal, (2009) /The Astrological Association of Great Britain. Yakatorwa 27-Chikumi-2023.
- ↑ Horoscopeuk, (2014), What on earth?! why doesn’t the earth feature in astrology? Yakaringwa 27-Chikumi-2023.
- ↑ 3.00 3.01 3.02 3.03 3.04 3.05 3.06 3.07 3.08 3.09 3.10 3.11 3.12 3.13 3.14 3.15 3.16 Labyrinthos, 27 Ndira 2018, 'Chirevo cheZvindeya muAs'tororoji, Chimiriro cheChindeya neBepa reKubiridzira', Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
- ↑ 4.0 4.1 4.2 4.3 4.4 4.5 4.6 4.7 Astrology.com, h.z, 'Zvindeya',funda. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
- ↑ 5.0 5.1 Astrology.com, h.z, 'Nyamatsatse: Chindeya cheKutaurirana' Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021.
- ↑ 6.0 6.1 Astrology.com, h.z, 'Hweva: Chindeya cheRudo neMari', Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
- ↑ 7.0 7.1 Astrology.com, h.z, 'Mrongazuva: Chindeya cheShungu' Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
- ↑ 8.0 8.1 Astrology.com, h.z, 'Jupita: Chindeya cheRombo rakanaka' Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021.
- ↑ 9.0 9.1 Astrology.com, h.z., 'Sotani: Chindeya cheKhama' Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
- ↑ 10.0 10.1 Astrology.com, h.z, 'Yuranasi: Chindeya chePanguko', Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
- ↑ 11.0 11.1 Astrology.com, h.z, 'Neputoni: Chindeya cheZvisipo', Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
- ↑ 12.0 12.1 Astrology.com, h.z, 'Puruto: Chindeya cheSimba', Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021