Nyamatsatse
Nyamatsatse kana Nyamasase (ku Chingezi: Mercury; Chishongezi: Mekyuri; chikwangwani: ) chindeya chidiki kwazvo muMutandiro weMushana. Nyamatatse ndicho chindeya chonoteera mushure Zuva, izvi zvinoreva kuti ndiro pakata pezvindeya zvese riri pedyo nezuva. Kumashure kwaro kunaHweva, uye mukuboterera Zuva kwaro rinotora mazuva 87.97 eRinopasi, inguva pfupi pane zvimwe zvindeya zvese zvinopoterera zuva.
Zita[chinja | edit source]
Nyamastse[1] inyeredzi yemangwanani uye kumabvazuva. Zita rechindeya ichi futi raivanzo shandisirwa Hweva nekuda kwekuti vanhu vaivhiringidza zvindeya zviviri izvi.[2] Rimwe zita raNyamatsatse ndiNyamasase asi rinogona futi kunzi Nyamatsatsi, Masase, Masasi, kana Nyamasasi. Zivai kuti mazita aya ese anovanikwa pasi pemazita aHweva, kunyangwe zvakadai tinofanhira kuzivisana kuti zita rekuti Nyamatsatse raakushandisirwa iro rinonzi Mekyuri kwete Vhinasi.[1]
MuchiBantu[chinja | edit source]
Mitauro yeZimbabwe[chinja | edit source]
Chitsonga | Xitsonga[chinja | edit source]
- Gongomela ndiro zita raNyamatsatse muChitsonga.[3]
Chixhosa | Isixhosa[chinja | edit source]
- uMekhyuri ndiNyamatsatse muChixhosa.[4]
Chisoto | Sesotho[chinja | edit source]
- Mekhuri ndiro zita raNyamatsatse muChisoto.[4]
Chitswana | Setswana[chinja | edit source]
- Mekhuri izita raNyamatsatse muChitswana.[4]
Mimwe Mitaurou yeBantu[chinja | edit source]
Chiswahiri | Kiswahili[chinja | edit source]
- Utaridi ndiro zita raNyamatsatse muChiswahiri, rinobva kuChiarabhu.[5]
Chizuru | Isizulu[chinja | edit source]
Mabviro eruzivo[chinja | edit source]
- ↑ 1.0 1.1 Vashona, 29 Zvita 2018, 'Nyamatsatse', Zita: Kirasi 9, Manyika-Zezuru. Yakatariswa: 5 Chikumi 2021
- ↑ F.W.J McCosh (et. al), n.d, 'The Rhodesia Native Affairs Dept. Annual for 1979', The African Sky; Planets. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
- ↑ sn:wiki contributors, (6 Chikumi 2021), 'Chindeya', Mazita eZvindeya MuChiBantu. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
- ↑ 4.0 4.1 4.2 4.3 Bomar S, 2010, 'Mazita ezvindeya mumitauro yese' Copyright: Attribution Non-Commercial (BY-NC) Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
- ↑ sw:wiki contributors, (4 Gunyana 2020), 'Sayari', Sayari za jua letu. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021